Makororo orura nekubira varimi

VARIMI veminda yekudiridzira yeMagunje Irrigation Scheme vachitarisa zvirimwa zvavo svondo rakapera. —  Mufananidzo: Memory Mangombe
VARIMI veminda yekudiridzira yeMagunje Irrigation Scheme vachitarisa zvirimwa zvavo svondo rakapera. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kingstone Mapupu
BASA rekurima kuminda yekudiridzira yeMagunje Irrigation Scheme kwaShe Nematombo kuHurungwe rodzokera kumashure zvikuru zvichitevera makororo arura kuba zvirimwa nemidziyo inoshandiswa inosanganisira mapombi ekudiridzisa. Minda iyi inowanisa varimi ava raramo uyewo neruzhinji rwenzvimbo iyi kudya kwakatsaukana.

Sachigaro wechirongwa ichi VaBigbrain Katuruza (47) vanoti vane dambudziko guru rekubirwa nemakororo.“Minda iyi ndiyo inotipa raramo hatina kubasa kwatinoenda, tiri varimi vanokwana 62 muminda yose iyi ine mahekita 18 pamwe chete. Tinorarama nekurima asi dambudziko guru imbavha dzarura kutibira, mazuva mashoma adarika takabirwa masprinkler 4 mumunda wangu,” vakadaro.

Minda iyi yakatangwa mugore ra2005 uye makororo aya anonzi anoba zvinhu zvinosanganisirawo chibage, muriwo, bhinzi nenzimbe munguva yeusiku. Mashoko aya akatsinhirwa nemutevedzeri wasachigaro, VaLawrence Katuka (62), vachiti dambudziko iri rakura zvisinei kuti minda yavo yakakomberedzwa neruzhowa rwefenzi paine gedhi rinokiiwa. “Makororo aya anokwira waya kupinda muminda iyi, tarasikirwa zvikuru nezvirimwa nezvimwe zvakaita semapombi ekudiridzisa,” vakadaro VaKatuka.

Minda yose iyi inongova nemagadhi maviri chete uye varimi vari muchirongwa ichi vanoti vari kuronga kupinza basa varindi vakawanda vanochengeta usiku pamwe chete nemasikati kuitira kurwisana nembavha idzi.

Rimwe dambudziko rakatarisana nevarimi ava kudzimwa kwemagetsi nguva nenguva zvinoguma zvaita kuti zvirimwa zvavo zvisvave nekushaya mvura.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×