‘Uri mhene saka ndipe twangu’

Yvonne Chipato
MURUME wekuzvuvirwa kudare nemukadzi wake achinzi awedzere mari yaari kubhadhara yemendenenzi nekuti “imhene” akachema-chema achiti haaikwanise nekuti ari kudya nhoko dzezvironda.
Shorai Gwata akaendesa Frank Karu kuHarare Civil Court achikumbira kuwedzerwa mari yaibviswa naKaru kubva pa$50 kuenda paUS$300. Anoti murume uyu akamunyepera kuti aizotenga hembe pamwe nechikafu chemwana pamusoro pemari yaari kubvisa.

Gwata akati Karu ane mabhizimisi naizvozvo anogona kubvisa mari yaaida iyi uye ane imba inogara maroja pamwe nechitoro chakazara zvinhu kumusika mukuru weMbare, muHarare.

“Murume uyu imhene, ane shopu huru yakati ta-a nezvinhu kuMbare pamwe neimba iyo anorojesa. Saka anogona kubvisa mari yandiri kuda uye akandinyepera kuti aizotengera mwana hembe pamwe nechikafu pamusoro peUS$$50 yaakanzi abhadhare,” akadaro Gwata.

Achipawo divi rake, Karu akati ari kutotambura zvinosiririsa neupenyu hwake.

Akati ane mhuri inoda kuchengetwa uye haana mabhizimisi sezvinotaurwa naGwata kunze kwekugadzira mawairesi nematerevhizheni izvo zvisiri kumupa mari yakawanda.

“Ishe wangu, mukadzi uyu anozviziva kuti ndine mudzimai wangu, ndiri kutodyawo nhoko dzezvironda. Mabhizimisi aari kutaura kuti ndinawo manyepo. Ini ndinoita basa rekugadzira maTV nemaredhiyo chete uye hazvisi kufamba mazuva ano,” akadaro Karu.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Gwata auye neumboo hwakazara hwekuti Karu ane mabhizimisi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×