Voda mendenenzi kumukuwasha

MUKUWASHA wekusada kuriritira vana vake avo vanogara naambuya vake akazoendeswa kudare. Annamore Munangwa akamhan’arira mukuwasha wake, Timothy Mujabuki, kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi.
“Mukuwasha wangu anokanganwa kuti ane vana asi achinyatsoziva kuti amai vevana ava pfungwa dzavo hadzichanyatsotora zvakanaka. Ini nasekuru vevana ava ndisu tinoona zvese zvinodiwa nevana vake vatatu asi iye achishanda.

“Anoti paanenge afungawo otipa mari kwopera kana gore ozotipazve apo vana vake vaviri vatove kuchikoro,” akadaro Munangwa.

Akaenderera mberi achiti paakapihwa vana naMujabuki vakavimbisana kuti aizopota achitumira mari

yekuvachengeta uye kurapisa mumwe wevana vake ane mitezo isina kunyatsoita zvakanaka.

“Anoziva kuti Mary anoda kurapwa nguva nenguva asi iye haadi kupota achitumira mari yekuti mwana arapwe.

Medical Aid chaiyo ndanga ndanzwa nekuvimbiswa zvichinzi ndichatora, asi pasina chinozoitwa, ndinotenda dare rino raita kuti ivepo.

“Paanouya kuzoona vana anoita kunge munhu anonzwisisa achiratidza rudo kuvana asi kana aenda anoita kunge adzingwa. Anoziva kuti chakaita kuti amai vevana ava varware pfungwa kuita kwake kwekukanganwa mhuri.

Ndinokumbirawo kuti dare ribatsire kuti ndiwane mari yandinoziva kuti mwedzi wega-wega inenge iripo.”
Achipawo divi rake, Mujabuki akati:

“Ini mari yangu yehudzidzisi haina kuwanda zvekuti ndinosara ndisina kana nei nekuda kwehushoma hwayo. Ndina amai vangu vanorapwa mwedzi wega-wega kumusha kuZaka uye ndini ndinobvisa mari yemukomana anochengeta mombe kumusha, saka ndinobva ndasara ndisina.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mujabuki aifanira kubhadhara US$120 yemendenenzi pamwedzi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×