‘Usandinokore tsoka’

Garnet Zvimba
NYACHIDE akazopotera kudare achida apfidzirwa nekutukirirwa navahosi pabarika avo vaanoti vanomunokora tsoka. Tendai Godho akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti Brenda Jojo anomushungurudza pose pavanosangana. “Mukadzi uyu ane tsika yekundituka pamwe chete nevabereki vangu. Anondituka kuti ndiri h**re, ndiri kugara nemurume wake asi ini nditoriwo mukadzi wemurume iyeye. Pose patinosangana anonditema nematombo achindinokora tsoka. Ini ndave kugara ndichityira upenyu hwangu,” akadaro Godho.

Kunokorwa tsoka kutorwa kweivhu repanzvimbo inenge yatsikwa nemunhu netsoka yake iro rinozosanganiswa nemishonga yechivanhu nechinangwa chekumukuvadza kana kumuitira zvakaipa.

Achipawo divi rake, Jojo akati aive nemvumo yekudzivirira murume wake kuti asaite chipfambi uye akapomera Godho mhosva yekuda kuparadza imba yake.

“Anonyepa kuti akaroorwa, anongovawo shamwarikadzi yemurume wangu haatomboziikanwi mumusha. Murume wangu akatosiyanawo naye nekuti akamuwanikidza aine chikomba.

“Zvino ava kupomera ini mhosva iyoyo yekuti akasiiwa nemurume. Anongoda kuputsa imba yangu nekuti iye ari kuvavarira kuroorwawo, kumba kwavo hakuna kana nemumwe chete akaroorwa,” akadaro Jojo.

Mutongi Nyatsanza akati Jojo achengetedze runyararo pakati pake naGodho nguva dzose.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×