‘Usanditadzisa kunamata’

Trymore Muvhawa
MUMWE mudzimai anoti ari kupfuviswa zvekutadziswa kuenda kuchechi neaimbove murume wake uyo waanoti anotumira mashoko akaipa pamusoro pake panharembozha dzevaanonamata navo, zvose nekuvavakidzani.

Sandra Chimonyo akamhan’arira Vincent Zvinavashe kudare reHarare Civil Court.

“Ndatambudzwa nemaitiro emurume uyu. Takarambana asi haasi kuzvitambira.

‘‘Handichakwanise kuenda kuchechi nekuti anotumira mashoko ekundiny’omba panharembozha dzevanhu vekuchechi.

“Zvakare, anoedza nepose paanogona kuti awane nhamba dzenhare dzevanhu vandinowirirana navo kana vanenge vachida kundipa basa. Kungava kudhorobha chaiko, anototsvaga munhu wekutumira mashoko akaipa panhare yake pamusoro pangu.

“Kana kumba kwandinogara anotumira vavakidzani vangu mashoko akaipa pamusoro pangu. Hameno kuti nhamba dzacho anenge apihwa nani?” anodaro.

Anoti zvakare Zvinavashe anogara achimurova.

“Haagumire ipapo, anouya achindirova nekunditukirira pakazara vanhu izvo zvinondishaisa chimiro pane vamwe. Anondihwandira achiteverera kwose kwandaenda, handizive chinangwa chake.

‘‘Ndinoda kuti dare rindipe gwaro redziviriro kuti arege kundishungurudza,” akadaro Chimonyo.

Zvinavashe akaramba kuti anorova Chimonyo.

“Handimurove asi kuti iye ndiye anotondirova. Pandinoendako ndinenge ndichida kuona mwana wangu.

‘‘Zvaari kutaura zvemashoko aanoti ndinotumira panhare dzevanhu manyepo,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Chimonyo gwaro redziviriro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *