Vana nherera votambudzwa

Tafadzwa Mutsotso
CHIREVO chinoti nherera inoguta musi wafa amai chozadziswa neupenyu hwevamwe vana, avo vanoti vanababamudiki vavo vari kuda kuvatorera imba yavakasiirwa nevabereki vavo.

Fortunate Mukweya akamhan’arira vanin’ina vababa vake vanoti Denis naManager Mukweya kudare reHarare Civil Court achivapomera mhosva yekumurova nekumutorera mari yerendi inobhadharwa nemaroja.

Fortunate anoti haasisina rugare pamba pevabereki vake kubva zvavakashaya.

“Mambo wangu, vanababamunini vangu vandishaisa rugare ini nevana vaamai vangu. Vabereki vedu vakashaya vakatisiya pamba, ini nevanin’ina vangu vaviri, mumwe wacho ane makore gumi nemanomwe mudiki aine makore manomwe. Vana ava ndini ndinogara navo uye ndinotowana mari yekuti tirarame parendi inobviswa nemaroja,” anodaro Fortunate.

Anoti vanababamudiki vake hapana chavanovabatsira nacho kunze kwekuvashungurudza.

“Vanouya kumba vachindibvunza mari yerendi. Musi wavakapedzisira kuuya kumba vakasiya vandirova vachiti ndiri kudya mari yemba ndega.

Kutaura kuno takatotiza pamba nekuti vakati tikaramba tiripo vachatiuraya. Vakati vanoda kutibaya nemapanga titevere kwakaenda vabereki vedu kuti vagone kusara vachiita zvavanoda neimba yevabereki vedu. Babamunini Manager vakabva vasara vachipinda mumba medu, ndiko kwavari kutogara,” akadaro Fortunate.

Denis anopikisana nemashoko anotaurwa naFortunate achiti akaenda kumba uku achida kuziva kuti sei akange asina kubhadharira munin’ina wake mari yechikoro.

“Ini ndine dambudziko kuti chikumbiro chake chegwaro redziviriro chitambirwe nedare nekuti pamba apa ndepababa vedu. Kungoti chete imba iyi yakange yakanyoreswa muzita ramukoma asi ndeyemhuri yose. Anoda kugara anofanira kungosununguka kugarawo ipapo zvisinei nekuti pane vana vakasara,” anodaro Denis.

Akatsigirwa naManager achiti: “Ini handikwanise kuti ndinzi ndisasvike pamba apa nekuti ndipo pandiri kutogara.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Fortunate gwaro redziviriro ndokuti imba iyi inofanirwa kunyoreswa zviri pamutemo maringe nezvenhaka yevafi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *