Usanditukire vabereki: Mukadzi wemapoto

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUKUWASHA akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa mhosva yekutukirira ambuya navatezvara vake zvose nekushungurudza mudzimai wake, zvisinei nekuti haana kana sendi reroora raakabvisa.

Mandava Muidzo akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Ngonidzashe Chigome, ane hunhu hwakafumuka sezvo achitaura mashoko anonyadzisa pamusoro pevabereki vake.

“Changamire, murume wangu ane rushusho rusingaite. Anondirova pamberi pevana zvekuti ndinotoshaya chiremerera kune vana vangu nekuti vanenge vachingoona ndichitukwa nemashoko asina kunaka pamberi pavo,” anodaro Muidzo.

Anoenderera mberi achiti: “Chanyanyoita kuti ndiuye kuno kudare ndechekuti murume uyu haana kuroora, ndiri kuchaya mapoto. Asi anowana simba rekunditukira vabereki vangu vaasina kupa kana chinhu, ndiri kuda kuti azviregere izvozvo.”

Anoti Chigome anotuka nekurova vana vavo pasina chikonzero.

“Murume uyu anogona kungosvika mumba akatsamwa zvekuti anotanga kutuka nekuvarova pasina zvavamboita. Ndiri kuda kuti azviregedze nekuti mhuri yose tava kutoshaya mufaro pamusana pekuita kwake,” anodaro Muidzo.

Chigome haapokane nezvinotaurwa nemudzimai wake uye anokumbira ruregerero achiti: “Handirambe kuti ndinomutuka nekumurova pamwe nekutuka vabereki vake.

‘‘Ndazviona kuti ndinenge ndichikanganisa.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Muidzo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×