‘Usasvike kubasa kwangu, nekuti anozondinyadzisa’

pabasa
MURUME wekuendeswa kudare neshamwarikadzi yake ichiti anomushungurudza akati mudzimai uyu anotumira mifananidzo yake yaanenge ari musvo kuzvikomba zvake. Irene Langevelot akazvuvira Tafadzwa Mandizvidza kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.  Akati: “Murume uyu anoita basa rekundituka zuva nezuva zvinove zvava kukanganisa mwana wangu nekuti anongoona baba vake vachindituka pamberi pake.

“Tainge tarambana iye akazouya kumba kwangu munaGunyana gore rapera akati handichabve pano nekuti uri kuita basa rekuunza zvikomba zvako, kubva musi uyu handina kana rugare mumba mangu.”

Akaenderera mberi achiti Mandizvidza anochengera zvekuti anoita basa rekutarisa nharembozha yake achiona mashoko aanotumirwa neshamwari dzake.

“Ini ndinoda kuti adzingwe pamba pangu nekuti hatina kuroorana kuti tinzi murume nemukadzi uye handidi kuti asvike kubasa kwangu, anozondinyadzisa kana kuita zvinokanganisa basa rangu.

Ndikanonoka kubva kubasa anondipopotera achiti ndiri kuita zvechipfambi asi basa rangu dzimwe nguva rinowandisa zvekuti ndinononoka kubuda, kana iye anozviziva,” akadaro Langevelot. Mandizvidza akapikisana nezvaitaurwa naLangevelot achiti: “Hatina kumbobvira tarambana saka handizive kuti zvaari kutaura akazviwanepi. Taigara tese kuHillside tikazobva nekuti kwaibhadharwa mari yakawandisa.

“Zvese zvekuti ndinomutuka manyepo, iye ndiye anoita basa rekutumira mumwe murume mapikicha ake asina kusimira. Pandakamubvunza akanditi ihama yake yaanotumira mapikicha aya.”

Mutongi Barbra Masinire akapa Langevelot gwaro rerunyararo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×