Zvinorapika: Dr Madzima

DR Bernard Madzima, avo vanove director kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vachishandira kuchikamu cheutano hwemhuri (Family Health), vanoti hudzi hunokonzerwa nezvakasiyana izvo zvinosanganisira mishonga inenge ichinwiwa nemunhu, ingava yekurapa.

“Muviri unogona kuburitsa uturu nekuda kwemishonga inenge ichitorwa nemunhu, seyezvirwere zveshuga. Asi dzimwe dzenguva nekuda kwekupisa kwakanyanya zvichizobatana nemabhakitiriya, zvinoita kuti muviri unhuwe zvakanyanya. Kunhuwa uku kunogona kuwandira kunhengo dzakadai semumawoko, mutsoka kana muhapwa vamwewo muviri wese,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti zvimwe zvakare zvirwere zvakaita segomarara, rurindi, gurokuro nezvemapapu zvinogona kuita kuti munhu anhuwe.

“Tinoramba tichikurudzira vanhu kuti kana vakaona kuti munhuwi uri mumiviri yavo uri kuramba uchienderera mberi, vanofanira kuenda kunoona machiremba kuti vabatsirwe nekukasika,” vanodaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×