‘VABEREKI MUSABIRWE’ . . . ‘Musamanikidzwe maextra lessons’

BAZI rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvikoro hazvifanire kumanikidza vabereki kuendesa vana vavo kumaextra lessons kana kuvabhadharisa mari pasina kutenderana.

Mashoko aya akataurwa naDistrict Education Officer veHighglen, muHarare, VaSolomon Mafukidze, mushure mekunge vamwe vabereki vane vana vanodzidza paMutasa Primary School, kuHighfield, vatsutsumwa pamusoro pemari yemaextra lessons yavanonzi vari kubvisiswa kuitira kuti vaite zvidzidzo izvi.

Vabereki ava vari kuti zvakare anenge aramba kuti mwana wake aite maextra lessons aya anopihwa tsamba yekuti abve asadzidze pachikoro ichi.

“Maextra lessons haasi kudiwa muzvikoro, hazvisi pahurongwa hwebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti vadzidzisi vanongoitisa maextra lessons pavadira.

“Maextra lessons anobvumirwa kuitwa nevana vatarisira kunyora bvunzo, dzingava dzeGrade 7, Form 4 kana Form 6. Anoitwa mushure mekunge vabereki vagara pasi kuita musangano nevadzidzisi votenderana maendero anoita vana kuchikoro nemari yavanobhadhara, yavanokwanisa.

“Mari iyi haifaniri kunyanya kuwanda sezvo vabereki vagara vanobhadhara mari yechikoro yekuti vana vadzidze.

“Papera mazuva gumi zvikoro zvavharwa, ndipo mudzidzisi anozotanga kudzidzisa vana vechikoro sekutenderana kwavanenge vaita nevabereki. Iyi ndiyo iya inonzi vacation school, yekuti vana vanenge vave kudzidziswa zvakanangana nekugadzirira kunyora bvunzo.

“Vamwe vana vese vari kumagiredhi kana kumafomu asati ava kuda kunyora bvunzo havatenderwi kuita maextra lessons. Vabereki ngavasabirirwa vachinyeperwa kuti ndokuti vana vapase, inzira dzekutsvaga mari dzinenge dzichiitwa nematicha,” vanodaro VaMafukidze.

VaMafukidze vanoti vachaita ongororo muzvikoro zviri mudunhu ravo yekuona kuti vadzidzisi havasi kuita tsika yekubhadharisa vana mari dzemaextra lessons here.

Kwayedza yakataurawo nemumwe mudzidzisi wepachikoro ichi uyo akatsika-tsika paakabvunzwa nezvenyaya iyi.

“Imi munombova ani wandiri kutaura naye nekuti ndinodaro ndichibvunzwa nemunhu ari kuda kuferefeta nezvepachikoro pedu. Pachikoro pedu hatisi kuita izvozvo asi kuti maGrade 7 chete.

“Kana muchida zvakawanda munototaura nemukuru wechikoro nekuti inini zvemaextra lessons anoitwa nevamwe vana vasiri veGrade 7 handikwanisi kuzvipindurira,” akadaro mudzidzisi uyu.

Zvakadaro, vamwe vabereki vane vana vanodzidza paMutasa Primary School vanoti vari kunzi pamazuva anenge akavhurwa zvikoro mumwe nemumwe anofanira kubhadhara $0,50c pazuva yekuti vazodzidziswa kweawa rimwe chete kubva panokwana nguva yekuti vaende kudzimba dzavo.

Vana veGrade 6 vepachikoro ichi vanonzi nguva yadarika vakanzi vabhadhare $15 pamumwe nemumwe wavo kuti vakwanise kudzidziswa maextra lessons kwemavhiki maviri.

Kwayedza yakazama kutaura nemukuru wechikoro cheMutasa asi zvakakona.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×