‘Zvihuta zvine mari’

KAMBANI yakazvimirira yeRoad-A-Rama iri kukurudzira vechidiki kuita mabhindauko ekupfuya zvihuta nezvimwewo zvipfuyo zvidiki nechinangwa chekuti vawane raramo.

Operations manager wekambani iyi, VaSteve Matanga, vanoti vanoita mabasa anosanganisira kuchechenyesa mazai ezvihuta, ehuku, ehanga, matoki nemadhakisi. Vanogadzira zvakare michina yekuchechenyesa mazai aya.

“Kambani yedu iri kukurudzira kupfuyiwa kwehuku, matoki, hanga, madhakisi pamwe chete nezvihuta.

‘‘Tinodzidzisa varimi kuti zvipfuyo zvese zvine mazai atinochechenyesa zvinochengetwa sei,” vanodaro.

VaMatanga vanoti vanotengesawo nhiyo dzemhando dzose dzehuku dzechivanhu.

“Kukambani kwedu tinochechenyesa huku dzechibhoyi chaidzo kwete dzimwe dziri kubva kune dzimwe nyika dzinenge dzakavandudzwa kuti dzikasire kukura.

‘‘Michina yatinogadzira yekuchechenyesa mazai inokwanisa kuchechenya mazai ehuku kutangira pa288 kamwe chete kuchiti ezvihuta 1 030 kamwe chete.

“Mazai ezvihuta anochechenya kwapera mazuva 16 kusvika pa18, kuchiti ehuku kwapera mazuva 21, hanga matoki nemadhakisi mazai acho anochechenywa kwapera mazuva 28 kusvika 30,” vanodaro.

Vanoti mazai ezvihuta muongororo yakaitwa muZimbabwe nekune dzimwe nyika anonzi akaonekwa kuti anobatsira mukurapa zvirwere zvakasiyana.

Vanotizve chihuta chinotanga kukandira chave nemavhiki matanhatu chachechenywa uye chinokandira zai rimwe chete pazuva. Chihuta chinogona kukandira mazai anosvika 290 kana 300 pagore.

VaMatanga vanoti zvihuta ishiri dzisinganyanyobatwa nezvirwere zvekuti munhu anozvichengeta haana basa rakanyanya nekuda kutsvaga mushonga wekuzvirapa.

Zvihuta zvinodya chikafu chakaita semhunga, rukweza, mapfunde, maringazuva nechibage chakadzvurwa kana kugaiwa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×