Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezvekuvandudzwa kwekurima, michina nezviwanikwa zvemvura Dr Anxious Masuka vakapa mumwe wevadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo zvekurima paGwebi Agricultural College US$500 paungano yekutambidzwa kwavo zvitupa yakaitwa pachikoro ichi nomusi weChishanu chapfuura.
Abide Chitiyo ndiye akahwapura mubairo wokutanga, akaenda nemari, mukombe, chitupa uye basa. Akatopihwa basa rehudhumeni nekambani inouchika mbeu yeSeed Co.
“Ndinokorokotedza vose vakapedza zvidzidzo zvavo zvekurima, rinova danho guru rakakosha kuupfumi hwenyika. Tinoda kuti mutore kurima sebhizimusi, muve imi vapinzi vemabasa pane kumirira kupiwa mabasa nevamwe. Gore rinouya tinoda kuti chikamu chevanasikana vari kupinda munyaya dzekurima chikure kupinda varume nokuti munyika chikamu che52 percent ndechevanhukadzi,” vanodaro.
Vanoti pavadzidzi 85 vakapedza zvidzidzo zvavo zvekurima vakapasa nechikamu che99 percent, vachisanganisira vakadzi 36 nevarume 49.
Dr Masuka vakakurudzira varimi kuti varime mbesa dzetsanga diki kuitira nyaya dzakusanduka kwemamiriro okunze apo munyika muri kutarisirwa kuzowana mvura shoma mumwaka watakadongorera.

“Mwaka wa2026/2027 unofungidzirwa kuti uchanaya mvura shoma zvikuru, saka tiri kuti igore renzara. Asika tiri kuitei nazvo? Ngatichengetedzei chikafu, tichichivandudza nyaya dzekugadzira mifushwa nekuisa chimwe mumatura. Ngatichengetedzei chikafu chezvipfuyo, tosimbaradza nyaya dzemadiridziro. Chikafu hachiraswi; ngatibikei zvatinopedza. Sezvinogarotaurwa nemutungamiriri wenyika, Dr Emmerson Mnangwagwa, apo vanoti ‘Nyika inovakwa nevene vayo’, saka nyika inorimirwa nevene vayo,” vanodaro.
Vakatenda verudzi rwechiChina, avo vakaunza ruzivo rwekurimwa kwesora remhando yeJuncao, rinova rinoshandiswa mukugadzira chikafu chemombe.
Engineer Reuben Muzenda, vanova principal weGwebi Agricultural College, vakati kuva neunyanzvi hwekurima kwakakosha nokuti zvinobatsira mukudzinga nzara neurombo munyika.
“Tinonzwa manyukunyuku nekubudirira kuri kuita vadzidzi vedu uye vatova neunyanzvi hwekushandisa michina yemhando yepamusoro yakadai semadrone, matarakita nemichina yekufirita zvirimwa. Vamwe vavo vakatotorwa nemakambani makuru, vakapinzwa mabasa,” vanodaro.
Gurukota reHurumende rinoona nezvematunhu nekuteshera kwebudiriro kuMashonaland West Marian Chombo rinoti kugadzirwa kwechikafu nekuchengetedzwa kwacho zvakakosha mubudiriro yenyika.
Ungano yekupihwa kwevadzidzi zvitupa yakaitwa pasi pedingindira rinoti “Nzira itsva, kujairirana nekushanduka kwemwaka: Kuvandudza kurima kune ungwaru, kupedza nzara nedonzvo rekuva nezvokudya zvakakwana munyika takanangana nemuono wa2030”.