‘Vadzidzi ivai nezvinangwa’

Sandy Musungata
VADZIDZI vanokurudzirwa kuti vashande nesimba uye vaine zvinangwa kuitira kuti remangwana ravo rigove nepundutso.

Kurudziro iyi yakaitwa nerimwe gweta rinove munyori wemabhuku uyezve shangwiti pakutaura zvekurudziro (motivational speaker), Authur Marara, apo vaitaura nevadzidzi vepaMidlands State University, kuGweru nguva pfupi yadarika.

Vakataura mashoko aya pachirongwa chaikotsverwa nekambani yeUnilever pasi pedingindira rinoti: ‘Class of confidence’ icho chine donzvo rekubatsira vadzidzi vekumayunivhesiti kuti vazive zvinotarisirwa kwavari panyaya dzekushambidzika pavanopedza dzidzo vave kutsvaga mabasa.

“Munhu anofanira kuziva chinangwa chekudzidza kwaari kuita kuitira kuti kana wotsvaga basa zvisaoma. Mabasa kushomeka kwawo zvave kuda kuti munhu avandudze zvidzidzo zvake nekuti kwaunoda kunotsvaga basa kune ariko kare saka unofanira kudzidza kupfuura iye uye kuva munhu anozvivimba nekuva nehushingi pamwe nekusazvitarisira pasi,” vakadaro VaMarara.

“Hushingi hunopa munhu kuti atsvage basa paanoziva kuti hariwanikwe nyore. Mapfekero nemagezero chaiwo anopa kuti munhu awane basa nekuti nyaya iyoyo inoonekwa seisina basa asi kushambidzika kune chiyamuro,” akadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Unilever Southern Africa Marketing manager Mai Juliet Ziswa, vakati zvakakosha kuti vadzidzi vagare vakashambidzika kuitira kuti vachengetedze utano hwakanaka.

“Isu tinogadzira zvinhu zvine chekuita nekushambidzika kwemunhu pamwe nepaanenge ari saka tauya kwamuri nekuti tinoziva kuti muchibva pano mava kupinda mumakambani muchitsvaga mabasa saka munofanira kunge makanyatsokwenenzverwa panyaya dzeutsanana,” vakadaro Mai Ziswa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×