Akadzikwa demo

MUDZIMAI wemakore 28 okuberekwa wemubhuku raBumba, kwaMutambara kuChimanimani, ari kupomerwa mhosva yekutema nedemo pamwe nekuita kafiramberi mumwe mukadzi waaifungira kuti anodanana nemurume wake.

Memory Garawoga, anova mudzimai waKando Nemakonde (24), anonzi akanzwa runyerekupe rwekuti Rodah Kashiri (26), uyo anogara mumusha mumwe chete umu, aidanana nemurume wake. Mambakwedza emusi wa1 Chivabvu, Garawoga anonzi akamuka ndokutora demo achibva aenda kumba kwaKashiri uko akasvikopinda nechisimba mumba maairara achibva amutema nedemo pamhanza akakuvara zvikuru.

Muvakidzani waKashiri, Edisson Mukangara (44), anonzi akazotakura mudzimai uyu kuenda naye kuchipatara cheMutambara ndokuzodarikidzwa kuendeswa kwaMutare uko anonzi ari kurwara zvikuru neronda rekudzikwa demo riri mumusoro make.

Mukangara ndiye anonzi akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa Garawoga achibva asungwa.

Assistant Inspector Luxson Chananda, avo vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, vakakurudzira veruzhinji kuti vatsvage vayananisi kana vachinge vatadza kunzwisisana pane kuita mhirizhonga.

Vakazoyambirawo vakaroorana kuti vasiyane nenyaya dzekuita gumbo mumba, gumbo panze, idzo vakati dzinoguma dzave kukonzera mhirizhonga mudzimba zvosvika pakuti vanhu vakuvadzane kana kuurayana.

Pakadhindwa bepanhau rino, Garawoga ainzi aiva akachengetedzwa nemapurisa achibatsira mukuferefetwa kwenyaya yaari kupomerwa yekuedza kuponda iyi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×