Vahosi igejo rekumusha

Yvonne Chipato
MUKADZI vahosi pabarika, uyo anoti anomanikidzwa kugara kumusha apo murume wake anenge achisasana nanyachide mudhorobha, akazopotera kudare achiti anodawo kupihwa kodzero dzake semudzimai mukuru, kwete kutorwa “segejo rinogariswa kumusha”.
Rumbidzai Mahove akamhan’arira Simon Mbiragayi kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro kubva mukurohwa nekumanikidzwa kugara kumusha.

“Baba ava vanondishungurudza, vave kundiona segejo ravo rinogara kumusha richirima ivo vachisara vachisasana nanyachide mudhorobha. Vanondirova pamwe nekundinyima kodzero dzangu semudzimai wavo mukuru.

“Ndava nemakore maviri ndisingazivi murume, ndichingogariswa kumusha asi iye achinyatsoziva kuti handina kubva kuvabereki vangu kuti ndichengete musha. Ndakavinga iye Mbiragayi uyu.

“Kubva paakaroora mukadzi wake wechipiri, handichina rugare pamba. Anofurirwa nemukadzi wake kuti andishungurudze pamwe nekundimakidza kuti ndigare kumusha ivo vachisara vachisasana,” akadaro Mahove.

Mbiragayi akaramba zvakataurwa naMahove achiti anomuendesa kumusha kuti musha wavo uchengetedzeke.

“Mukadzi uyu anondinyepera, handimurove kana kumumanikidza kuenda kumusha asi kuti ndinototaura naye semudzimai wangu kuti aende kunochengeta musha wedu pamwe chete nekurima.

“Kubva pandakaroora mumwe mudzimai, hatigare zvakanaka nekuda kweshanje dzake. Anorwadziwa nemudzimai wangu mudiki. Ndinomuremekedzawo semudzimai wangu mukuru asi dambudziko rake guru ishanje dzake dzakawandisa, anorwadziwa kuti aende kumusha ega ini ndichisara nemudzimai wangu mudiki,” akadaro Mbirigayi.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa gwaro redziviriro kuna Mahove.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×