Hurumende yoshanda nevanouchika mbeu

VADENIAS Zaranyika (kubva kurudyi) vaitambidza mbeu yeSeed Co ine butiro idzva kuna VaRingson Chitsiko apo VaMorgan Nzvere vanove Group Chief Executive Officer weSeed ConaVaClive Mugadza vanove head of marketing kumbani iyi vaive vakatarisa. — Mufananidzo: Memory Mangombe
VADENIAS Zaranyika (kubva kurudyi) vaitambidza mbeu yeSeed Co ine butiro idzva kuna VaRingson Chitsiko apo VaMorgan Nzvere vanove Group Chief Executive Officer weSeed ConaVaClive Mugadza vanove head of marketing kumbani iyi vaive vakatarisa. — Mufananidzo: Memory Mangombe

HURUMENDE iri kusimbaradza kushanda kwayo nemakambani anouchika mbeu dzakasiyana nedonzvo rekuti varimi vawaniswe mbeu yakauchikwa sezvo vamwe vari kupedzisira votengeserwa yemukoto nemakoronyera izvo zvinoita kuti goho ravo ridzikire zvinokanganisawo zvakare kuwanikwa kwezvekudya munyika.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, paiparurwa chirongwa chekuvandudza mapekerwo embeu yekambani yeSeed Co.

“Tiri kushanda zvakasimba nemakambani anouchika mbeu aya kuti makoronyera aye anoguma ave kutengesera varimi mbeu yechitsotsi ashaye basa nekuti mbeu inenge yava kuwanikwa pose-pose,” vakadaro VaChitsiko.

Dambudziko revarimi vanotengeserwa mbeu pamisika yemukoto rinowanikwa gore roga-roga.

Mukuru weSeed Co, VaDenias Zaranyika vanove managing director, vakati kuvandudzwa kwemapekerwo embeu yavo idanho guru munhoroondo yekambani yavo iyo yava nemakore 74 yavambwa.

“Butiro redu idzva iri takatanga kuronga nezvaro makore mana kana mashanu akadarika, zvakaunzwa nezvinhu zvakasiyana kusanganisawo nyaya yekutengeserwa kwembeu yemukoto yechitsotsi kuvarimi nemakoronyera,” vakadaro.

Vakati kuvandudzwa kwebutiro iri kuri kufarirwa zvikuru nevanotengesa izvo zvichabatsirawo pakutengeswa kwembeu inosanganisira SC727, SC637, SC533 neSC301. VaZaranyika vakarumbidzawo mbeu yavo itsva ichangoburwa, SC301, iyo vakati inoita zvakanaka zvikuru munzvimbo zhinji.

“Kuparurwa kwematarisiro matsva ekuputirwa kwembeu yedu yechibage kwakanaka nekuti zvinorakidza musiyano nembeu dzevamwe,” vakadaro.

Vaive pagungano iri vanosanganisira vamiriri vemapoka akasiyana ane chekuita nekurima akadai seArex neZimbabwe Farmers Union.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×