Vaimbove vashandi voda minda

VAMWE vevaimbova vashandi vepamugodhi wakavhara weShackleton kuChinhoyi vanosvika 2 000 vochemerawo kupihwa minda sezvo vasisina kwekushanda kuti vawane raramo.
Mashoko aya akataurwa naVaMoffat Munyaradzi (68) vanova kanzura wenzvimbo iyi muward 15. “Dambudziko redu kuno ndere kuti vanhu vose vagere muno mukomboni yeShackleton havasisina mabasa zvichitevera kuvhara kwakaita mugodhi uyu saka kusanganisira ini ndigere navo tinodawo minda muno yekuti tirime tigokwanisa kuriritira mhuri dzedu,” vakadaro VaMunyaradzi.

Vakati mugodhi uyu waiva nevashandi vakawanda avo vakaburitswa mabasa vane mhuri nehama dzavainadzo munzvimbo iyi vasisina zvekurarama nazvo uye vamwe vacho havana kumbobvira vakavaka misha.

“Takatarisa vaive vashandi ava nemhuri dzavo, tine vanhu vanodarika 2 000 avo vari kuda minda yekurima muno inova nzira chete yekuti vanhu ava vakwanise kurarama,” vakadaro.

Vanoti nzvimbo yavo yakakomberedzwa nemapurazi akawanda zvikuru ari kudivi reChinhoyi, Makonde, Karoi, Lion’s Den neMhangura uko  vanogona kuwaniswa minda yekurima.

VaMunyaradzi vanoti kubvira makore adarika pakatanga chirongwa chehurumende chekugoverwa kweivhu kuruzhinji havana kumbowana mukana izvo zvakavadzosera kumashure zvikuru.

“Tine dhamu reShackleton muno rinongova chinhambwe chemakiromita gumi nemashanu kubva pamisha yedu saka tinodawo kuti tikawaniswa minda mvura iyi toishandisa mukudiridzira mbesa dzedu,” vakadaro.

Vanoti ivo sakanzura vakaendesa chichemo chavo kuhurumende kuburikidza nekunyora tsamba uye vakamirira kupindurwa kuti dambudziko ravo ringagadziriswe sei.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×