Murimi okururudzira magreen houses

MURIMI wechidzimai wekuMhondoro ane mukurumbira wekurima matomatisi okurudzirwa vamwe kuti vashandise mipanda yemagreen houses kuti zvirimwa zvavo zvikurumidze kukura uye zviri zvemhando yepamusoro.

Mai Irene Dzumbunu Shirichena (60) vemumusha waSabhuku Shirichena kwaShe Nyamweda vakavaka green house nemapurasitiki yakakura mamita 30 kureba nehwasha mamita makumi maviri umo vakarima matomatisi avo.

Kuburikidza nehurongwa uhwu, chirimwa chavo vanoti chakasvika zvikuru uye chiri chemhando yepamusoro.

“Pane zvirimwa zvinoda kurimwa mumagreen houses, zvakanaka kuti tiite izvozvo nekuti murimi unowana goho guru.

“Nzvimbo yandakarima iyi idiki asi inopa goho repamusoro,” vakadaro Mai Shirichena. Vanoti marimiro emhando iyi vakaatanga gore rino mushure mekupihwa ruzivo nenyanzvi dzekurima.

“Matomatisi aya akareba zvikuru uyewo ari kubereka vana vahombe, hakuna chinokanganisa zvirimwa izvi zvinowana kudziya nemweya unokwanirana izvo zvinokonzera kuti zvibereko zvacho zviwande,” vakadaro.

“Izvozvi matomatisi aya anoibva zuva nezuva tichitengesa, dai ndaiva ndakaarimira kunze zvaisiyana zvikuru saka ndicharamba ndichirima murimiro uyu izvo ndinokurudzira vamwe kuti vaite,” vakadaro.

Vanoti nzira yekurima iyi inogona zvakare kushandiswa kuzvirimwa zvakaita semagaka, bhinzi nemaruva.

Murimi uyu anoshandisa drip irrigation pakudiridza mbesa zvavakati zvinovaitira nyore.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×