VAKADZI vatatu vekuzvimba matumbu avo zvakanyanyisa sevainzi vaiva nemimba dzisingazvarwe kwemakore akawanda asi vose ndokuzovhiiwa vakawanikwa vaine “mitumba yezvinhu” vari kuiimba rwiyo rwumwe chete: “Takadzoka kumakuva.”
Vatatu ava – Mai Portia Tapfumaneyi (36) vekuHighfield, muHarare, Mai Maidei Nemhara (49) vekuDomboshava, naMai Mensista Josphine Chavhunduka (38) vekuNorton – vakashamisa vaverengi veKwayedza apo bepanhau rino rakaita rokutanga kuvaburitsa richitaura matambudziko avo ekungozvimba matumbu apo vose vaifunga kuti vakaroyiwa kana kuti zvaiva nechekuita nechivanhu mumwedzi waChikunguru 2014.
Kubuda kwenyaya dzevatatu ava muKwayedza, idzo dzakazotorwawo nemamwe mapepanhau zvose nenhepfenyuro, kwakaita kuti vabatsirwe pachena nechipatara cheChitungwiza Central Hospital uko vakavhiiwa pachena vakawanikwa vaine “zvinyama” zvakakurisa muzvibereko zvavo.
Mwedzi yakati kuti izvi zvaitika, pepanhau rino rakaronda vakadzi ava richida kuziva kuti vave sei mushure “mekusununguka” zvavaiva vakatakura mumimba dzavo.
Muhurukuro dzakasiyana, vose vanoti vakapotsa vaenda kwamupfiganebwe dai pasina Kwayedza uye rubatsiro rwavakazowana kubva kuchipatara chakavavhiya.
Vachitaura vari kumba kuCanaan, kuHighfield, Mai Tapfumaneyi, avo vanone ndivo vakatanga kuvhiiwa, vanoti havasisina dambudziko uye vave kutozvishandira vachitengesa zvakasiyana pamusika.
Mukadzi uyu akatizwa nemurume wake, Wellington Jambwa (38), nekuda kwehurwere hwaakanga anahwo.
Pakabuda nyaya yake kekutanga, pakafamba mashoko aiti mukadzi uyu akange aisirwa rukwa kana kuti rukawo nemurume wavo kuti asaite zvechipfambi izvo zvaifungidzirwa kuti ndizvo zvakamuzvimbisa dumbu kwemakore anodarika mana.
“Nyaya yehuroyi veduwe-e, ndaiifunga nekuti hapana kwataibatsirwa kusvikira Kwayedza nechipatara cheChitungwiza vatisunungura,” vakadaro Mai Tapfumaneyi.
Mai Chavhunduka vakatendawo zvikuru pepanhau rino nekuvaburitsa zvisinei nekuti pakutanga vaimboramba kuburitswa vachiti chitendero chavo hachivabvumidze.
Vanopinda Johane Masowe weChishanu.
“Ngirozi yangu yakaburukira kunemi veKwayedza.
“Ndaiva ndisisina tarisiro, ndave kungomirira nguva yekufa. Asi Mwari vane simba, chionai kusimba kwandakaita.
“Dumbu rangu rakanga rasvitsa makore 12 rakazvimba, kwete 4 sezvandakataura pekutanga. Kwaiva kurwadziwa kuya,” vakadaro.
Kwayedza payakasvika pamusha paMai Nemhara kwaMungate, kuDomboshava, yakavawana vachitoita mabasa epamusha vakazvisimbira.
Vanoti pavaive vakazvimba dumbu ravo vaifamba kun’anga nekumapurofita vachinzi vainge vagadzirwa nemushonga wakasanganiswa nevhu renhuta nemunhu wavainge vabira manhanga.
“Ndakanga ndatarisa musiwo werufu, mamwe maporofita achinditi hamupedze mwedzi mitatu muri vapenyu. Vamwe vainditi ndaiva nepamuviri apo ndainzi ndaizosununguka mwana aizofa asi imi (Kwayedza) ndimi makazarurirwa mukasvika kuti ndive zvandiri nhasi.
“Gomba (guva) rangu rakanga racherwa kare, zvino rava gomba remarara,” vakadaro vachinyemwerera, mutumba wedumbu raivatadzisa kana kufamba pasisina.
Vanoti vakambosvikawo pakunanga veukama kuti ndivo vaive vakavaroya nekuda kwekusaziva.
Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti kubva pakaburitswa nyaya yevakadzi vatatu ava neKwayedza, avo vakazobatsirwa, kune vamwezve vanhukadzi vane chitsama vaiva nematambudziko mamwe chete asi vakanovhiiwa. Vanoti vamwe vachiri kuuya.
“Kubva munyaya yakaburitswa nemi veKwayedza tichizobatsira madzimai aya pachena, kwakazouyawo mamwe madzimai akawanda zvikuru nedambudziko rimwe chete – rechirwere chema’cysts’.
“Chirwere ichi chinowanikwa kumadzimai izvo tinokurudzira kuti vakurumidze kuona machiremba kwete kungofunga kuti vakaroyiwa,” vakadaro Dr Moyo.
Mari inodiwa pakuvhiiwa kwemhando iyi inonzi iri pakati peUS$5 000 neUS$7 000 pamunhu mumwe chete.
Mukuru wesangano rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), Archbishop Johannes Ndanga, vakakurudzira mapositori kuti vaende kuzvipatara.
“Hongu, tine zvinoonekwa nemweya. Asi pane zvinodawo machiremba echiRungu saka tinoti vanhu ngavaende kuzvipatara,” vakadaro.
Mai Chavhunduka muporofita kuJohane Masowe weChishanu kuNorton.
Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga (60), vekuUshewokunze muguta reHarare, vanoti kumwe kuzvimba kwematumbu kunokonzerwa nemweya yakaipa.
“Dambudziko rose rinosanganikwa naro nemunhu rine chekuita nemweya yakaipa. Kana iko kuzvimba matumbu munoona kuti munhu achienda kunovhiiwa nemachiremba echiRungu anotanga akamurwa mhepo dzakaipa kuti anokwanisa kumuka pakufendeswa kuya kwavanomboitwa,” vakadaro.
Sekuru Mutanga vakayambirawo veruzhinji kuti vangwarire maporofita nen’anga dzenhema.
“Tinoti kuvarapi ngavabatsire varwere chaizvo pasina chitsotsi,” vakadaro.
Vakatizve kune kumwe kuzvimba kwematumbu kunokonzerwa nekushandisirwa mishonga yerukwa kana kuroyiwa.



