Vakadzi vodzidziswa zveDevolution

Malven Mugadzikwa

SANGANO reInstitute for Young Women’s Development (IYWD) rinoti vanhukadzi vazhinji — kunyanya vekumaruwa — havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekupihwa kwemasimba munyaya dzeupfumi kumatunhu (Devolution), naizvozvo vanofanira kupihwa dzidziso yakadzama kuitira kuti vabatsire machiri zvizere.

Muzvare Lister Shumba

Programmes officer weIYWD, Danny Nyamushamba, akapa kurudziro iyi apo sangano ravo rakaita musangano kuGlendale, kudunhu reMashonaland Central, vhiki rapera.

Nguva yadarika, sangano iri rakaitawo misangano yerudzi urwu kuGuruve, Mt Darwin neMazowe, ikoko kuMashonaland Central.

Nyamushamba anoti vanhukadzi vazhinji vanopfuurwa nezvirongwa zvine chekuita nebudiriro yenzvimbo dzavagere nekuti havawane ruzivo rwakakwana.

“Tiri kuita chirongwa chekuzivisa madzimai nezveDevolution nekuti vazhinji havawane mukana wekuva mumisangano inovapa ruzivo rwakakwana.

Chinangwa chedu ndechekuti pachaitwa Devolution, vanhukadzi vange vava kuziva kuti inoshanda sei uye kuti vawane mukana wekunge vachibatsira muhurongwa hwekubudirira kwenzvimbo dzavagere,” anodaro.

Nyamushamba anoenderera mberi achiti, “Izvi zvinobatsira nekuti madzimai vane zvinhu zvakawanda zvinoda kuti vabatsirikane mukugara kwavanenge vakaita munharaunda.

Zvakare, madzimai vanobatwa, kunyanya nematambudziko anosangana neveruzhinji mukugara kwavo.”

Nyamushamba anoti vanhukadzi vechidiki vanofanirawo kupinda muzvirongwa zvine chekuita neDevolution sezvo vari ivo hwaro hweramangwana munyaya dzebudiriro dzenzvimbo dzavanogara.

“Madzimai echidiki anofanira kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo maererano nezvingada kuvandudzwa munharaunda dzavagere uye panoda kugadziriswa panyaya dzemagariro avo munharaunda dzavari,” anodaro.

District Development Coordinator weMazowe, VaMark Kadaira — mumashoko avakaverengerwa naMuzvare Lister Shumba — vanoti dunhu ravo ragadzirira chirongwa cheDevolution.

Vanoti dunhu reMazowe rine zviwanikwa zvakawanda zvinokwanisa kuita kuti risimukire uye mune mikana yekuti madzimai ashandise mukuvandudza upenyu pamwechete nemagariro avo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *