Vakakweshana mumakwikwi ekutaura

VANA vezvikoro zvinodarika 20 zvekuChitungwiza svondo rapera vakakweshana mumakwikwi ekutaura paruzhinji (public speaking), ayo aikotsverwa nesangano reYouth Advocates Zimbabwe.
Chiitiko ichi chaiva nedingindira rinoti, “Vechidiki tine hanya”, uye zuva iri rakaona vana vechikoro vachiratidza zvipo zvavo zvekutaura paruzhinji pamusoro penyaya dzakasiyana dzakaita sekuchecheudzwa, kurwisa denda reHIV neAIDS pamwe nedzidziso izere maererano nekudzivirira chirwere ichi.

Kumakwikwi evakomana, Luke Chiuriri wepaZengeza 1 ndiye akatora mubairo wekutanga achiteverwa naBrendon Munashe Chiri wepaNyatsime College uye wechitatu wakaenda kuna Blessing Tsiga wepaSeke 3 High. Kuvasikana, Yvette Vongai Mutyambidzi wepaManyame Park High ndiye akakunda achiteverwa naMariya Zengeya wepaExcel College kuchiti Vanessa Mushonga wepaZengeza 1 High School akaita wechitatu.

Achitaura nezvemakwikwi aya, Pride Shonhiwa, uyo anova Advocacy and Communications Officer kusangano reYouth Advocates Zimbabwe, akati vechidiki vanotarisirwa kutungamirira kurwisa chirwere cheHIV naAIDS.

Anoti sangano ravo rakanangana nekudzidzisa zvakazara maererano nechirwere ichi muzvikoro nekune vechidiki.

Shonhiwa anoti varipo zvakare pakuona kuti vana vechikoro vawaniswa dzidzo maererano neshanduko dzinoitika, mungava mumiviri yavo apo vanenge vachiyaruka.

“Basa redu kupakura dzidzo yakaringana maererano neshanduko inoitika mune vechidiki kana vachisamhuka,” akadaro Shonhiwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×