Vakaremara vowaniswa mikana

Tawanda Makwiramiti
Tawanda Makwiramiti

SANGANO rakazvimirira reGreen Light International Trust (GLIT) rinoti gore rino richawedzera rubatsiro rwarinopa kune vakaremara mitezo nedonzvo rekuti vakwanise kuratidza zvipo zvavainazvo.

Vachitaura pamusangano wavo wekutanga kwegore nguva pfupi yadarika, mukuru wesangano iri, VaTawanda Makwiramiti, vanoti vane chishuwo chekuvandudza mashandiro avo.

“Hurongwa hwedu hwegore rino hwakanangana nekuvandudza rubatsiro rwatinopa kune vakaremara. Kubva zvatakatanga sangano redu, rubatsiro rwedu tainyanya kupa kune vanhu vakaremara mitezo vakaita sevasingakwanise kufamba. Asi takazoona kuti chero nevasingaoni kana kunzwa vane matambudziko anoda rubatsiro rwedu.

“Gore rino tichaita kuti vanhu ava vaongororwe pachena nanachiremba vakuru vematambudziko aya.

“Mazuva ekuita izvi takatotara, kwangosara kuzivisa veruzhinji. Izvi zvinobatsira nekuti vamwe vachapihwa zvakaita semagogorosi ekuonesa pamwe chete nezvemunzeve,” vanodaro VaMakwiramiti.

VaMakwiramiti vakaenderera mberi vachiti kune vakaremara vazhinji vanotadza kuratidza zvipo zvavo nekuti vanotarisirwa pasi kana kuzvitarisira pasi pachezvavo munharaunda dzavagere.

Vanoti izvi zvichapedzwa nechirongwa chavari kuda kutanga gore rino cheInclusive Talent Exhibition Show chakanangana nekuti vakaremara varatidze zvipo zvavo mumabasa akasiyana uye mabhindauko avanoita.

“Munhu kana aine hurema hazvirevi kuti haana zvaanogona. Vanhu vakaremara pachezvavo havafaniri kuzvitarisira pasi kana kutarisirwa pasi nevasina hurema.

“Tichapa vakaremara mukana wekuratidza zvipo zvavo. Pazuva iri vane zvipo zvekuimba, mitambo, kugadzira zvigadzirwa nezvimwewo vachapihwa mikana yekuratidzira kuruzhinji. Izvi zvinoita kuti vawanewo mabasa pamwe chete nekuona mabhindauko ekuita achiunza mari,” vanodaro VaMakwiramiti.

 

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×