KAMBANI ine mukurumbira mukuchengeta huku yeNovatek yovandudza mabasa ayo kuburikidza nechirongwa chekupfuya huku dzechivanhu idzo dzinodaidzwa kunzi Boschveld Road Runner.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemari kukambani iyi, Muzvare Precious Mujawe, anoti mhando dzehuku idzi dzakakoshera varimi nekuti hadzibatwe nezvirwere nyore uye hadzinetsi pakuchengeta.
“Boschveld Road Runners imhando itsva yehuku dzechivanhu uye dzichange dzave mumusika kutanga nomusi wa19 (Ndira) mwedzi uno. Varimi vanogona kutenga huku idzi kumapazi edu ari kuNorton, Ruwa, Banket, Chinhoyi, Mica Telford, Mutoko neMarondera. Huku idzi hadzidhure kuchengeta kana tichienzanisa nedzimwe nekuti dzinozvitsvakira kudya dzega asi murimi akangwara anodzitengera zvakare kudya kunovaka muviri kuitira kuti dzinge dzichikura nekukandira nekukasika. Kudya uku kunogadzirwa zvakare neNovatek uye kune mitengo inogutsa,” vakadaro.
“Kuvarimi ndinoti torai mukana wekutenga huku idzi nekuti dzakatobaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere padzakange dziine svondo rimwe chete, dzakauchikwa nenyanzvi. Varimi vanogona kuenderera mberi nekuuchika huku idzi vachitengesera vamwe saka inhaka yemusiiranwa inoita kuti Zimbabwe isave nenzara uye bhizimusi iri richamutsira vanhu vazhinji mabasa,” vakadaro.
Vanoti huku idzi dzakakoshera varimi vekumaruwa nevemumaguta, zvikuru kana vaye vane zvivanze zvakakura zvekuti dzinge dzichifamba dzichitsvaka kudya.
“Kunze kwehuku dzechivanhu, tine huku dzemhando yemabroilers dzinotiwanisa chikafu chemhando yepamusoro nekudaro dzinowanisa varimi nyama yakawanda. Tiri kufambirana zvakare neruzivo rwechizvino-zvino rweGoogle App apo varimi vanowaniswa ruzivo rwemachengeterwo ehuku pamanharembozha avo,” vakadaro Muzvare Mujawe.
Zvakadai, Muzvare Mujawe vanoti nomusi wa19 Ndira varimi vekuGokwe vachange vachiwaniswa dzidziso yezvekuchengeta huku dzechivanhu uye vachapihwa nhiyo dzemhando idzi pachena nesangano iri. Munzvimbo yeGokwe munonzi mune varimi vehuku vakawanda vane hunyanzvi uye vamwe vari kutochengeta machongwe ari kukura zvikuru.
Mhando itsva yehuku dzechivanhu iyi inonzi inowanikwa munyika dzakadai seNamibia, South Africa neZimbabwe.



