Vakasungirwa kuitisana nharo

Muchaneta Chimuka —
VARUME vaviri vekuChitungwiza, avo vakange vari kupomerwa mhosva yekutuka mupurisa mushure mekunge aedza kupomhodza nharo dzavakange vachiitisana pamusoro pemabhanga, vakabuda mudare vaine mufaro mushure mekunge vachenurwa apo pakashaikwa umboo hwaivaroverera.

Morgan Tsoka (43) wepanhamba 3380 Unit D, naWalter Gandazhanga (52) wepanhamba 3476 Unit D zvakare, vaipomerwa mhosva yekukonzera nyonga-nyonga (Disorderly conduct as defined in section 41 of the Criminal Codification Act Chapter 9:23) apo vakamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora akavachenura mushure mekushaikwa kweumboo hunovaroverera pamhosva iyi.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa24 Kurume gore rino munguva dzemanheru uye paTown Centre Complex yekuChitungwiza, mumhan’ari James Msindo wepanhamba 28 Fadzanayi Street, Zengeza 3, uyo anova mupurisa weZimbabwe Republic Police achishandira paZengeza Police Station, aidarika nepabhanga reCABS riri paTown Centre.

Msindo anonzi akaona vasungwa vaviri ava vachiitisana nharo maringe nemabhanga maviri anoti CABS neZB Bank apo mumwe aiiti mabhanga aya mamwe chete kunyangwe zvazvo aine mazita akasiyana, mumwewo achiti kwete.

Msindo anonzi akabva apindira achida kuedza kugadzirisa nyaya yavainetserana iyi asi vakatangisa kuita hukasha ndokumutukirira vachimuti abve panzvimbo yavakange vari.

Msindo akabva asunga vaviri ava.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×