Zvimbokoma zvemagadhi

Muchaneta Chimuka —
BONGOZOZO pakati pevarume vaviri vanoshanda sevarindi (magadhi) vemakambani akasiyana kuChitungwiza, iro rakamuka mushure mekutadza kunzwisisana, rakazopedzisira raita kuti mumwe atemwe nesimbi mumusoro ndokukuvara zvakaipisisa.

Trymore Chindito (24) wepanhamba 15867 Zengeza 5, achishandira Cain Security pakambani yeLyons iri kuChitungwiza kwakare, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekurova ndokukuvadza mumwe wake nesimbi, Nesbart Shambare (43), wekuGuard Alert Security asi achishandira Dairibord, kunzvimbo yeChitungwiza Industries.

Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora, akapa Chindito chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake anozogara mujeri kwemwedzi uzere.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti manheru omusi wa19 Kurume gore rino, vaviri ava vakange vari panzvimbo yekushandira iri pakati peLyons neDairibord apo pakamuka kusanzwanana pakati pavo.

Izvi zvakaita kuti Chindito agumisire atema Shambare nesimbi mumusoro kakawanda ndokubva akuvara.

Hazvina kubuda mudare kuti nyaya yakaita kuti Chindito naShambare vatosvorane yaiva yei.

Shambare akanorapwa kuchipatara uye magwaro ekwachiremba akamurapa kaburitswa mudare seumboo.

Chindito anobvuma mhosva yake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×