Vakwegura vaomerwa

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira vanhu vakwegura, reHelpAge Zimbabwe, rinoti panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19, veruzhinji vanokurudzirwa kuti varangarirewo chembere neharahwa sezvo vamwe vavo vari kudya nhoko dzezvironda.

Mai Priscilla Gavi, avo vanova executive director wesangano iri, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vakwegura sezvo vasiri kuwana rutsigirwo sezvaisiitika kare.

“Sesangano rinomirira kodzero dzevakwegura munyika, taomerwa zvikuru panguva ino yeCovid-19 nekuti hakuna rubatsiro rwuri kuuya kwatiri kuti tikwanise kubatsirawo vanhu vakwegura, vangava vari kudzimba dzavo kana kumisha inochengetwa vakura.

“Kwataisimbowana rubatsiro, kungava kumakambani kana kuvanhu vakazvimirira vemuno nevekunze, hakuna chiri kuuya nekuti inguva yakaoma uye vanhu havasi kushanda zvizere kuti vawane chouviri,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chirwere cheCovid-19 chakazouya zvacho asi misha yedu inochengeta vakakwegura yakanga yagarawo yava kutambura kare nekushaya zvekushandisa zvinobvira kuchikafu, sipo, mbatya, magumbeze nezvimwe. Fungai kuti izvozvi tave muchando, vanhu vakwegura ndipo pavanoda zvinodziya izvo zvavasina.

“Chikumbiro chedu ndechekuti vanokwanisa kutibatsira vari pavari ipapo vatambanudze maoko avo nekuti zvinhu hazvina kutimirira zvakanaka, machembere neharahwa dzedu vanoda kuchengetwa zvakanaka.”

Vanoti vakwegura vari kudzimba dzavo vagara vaine matambudziko sezvo vachichengetawo nherera dzavanosiirwa nevana vavo.

“Mabasa edu ataimboita ekuriritira vakwegura akaita semapindu nezvimwe hapana chiri kufamba panguva ino. Munyika muno tine misha inochengeta vakwegura yakanyoreswa inokwana 166 uko kwese kune matambudziko ezvekudya nezvimwe,” vanodaro Mai Gavi.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *