Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti iri kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuonekwa vachingombeya-mbeya munzvimbo dzinosanganisira mumaguta nemumadhorobha apo vanenge vasina kupfeka mamasiki uye vachiita chitsokotsoko izvo zvine njodzi huru yekukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti vabati vezvemutemo vari kuona kuti veruzhinji vatevedzera matanho anodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) maringe nekurwisa kupararira kweCovid-19.
“Cabinet iri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuonekwa vachingomira-mira panzvimbo dzakadai semukati memaguta (Central Business Districts) nedzimwe dzinosangana vanhu, kazhinji vasina kupfeka mamasiki uye vakaita chitsokotsoko.
“Vabati vezvemutemo vari kuona kuti mitemo yeWHO yatevedzwa pamwe chete neyemunyika muno iyo inofanirwa kutevedzwa nemunhu wose,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Cabinet inoda kuzivisa zvakare kuti kuvhurwa kwedzimwe nzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda sekuma’casino’ kwambopfuudzwa kumberi kusvikira paitwa ongororo yakazara yemamiriro ezvinhu zvichitevera kunyevenutswa kwemamwe matanho elockdown.”
Vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) chiri kufambira mberi zvakanaka.
“Cabinet inoda kuzivisa veruzhinji kuti chirongwa chekubaiwa majekiseni chiri kufamba zvakanaka, apo vanhu 34 400 vange vabaiwa kusvika musi wa12 Kurume. Pane budiriro iripo maringe nekutambirwa kwemushonga weSinopharm vaccine wechipiri wakapihwa neChina wemajekiseni 200 000, mamwe majekiseni 75 000 eCovaxim kubva kuIndia ne20 000 emushonga weSputnik-V vaccine kubva kuRussia,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti pane mishonga mina yekudzivirira chirwere cheCovid-19 iyo yakatenderwa kuti ishandiswe muZimbabwe neMedicines Control Authority of Zimbabwe inoti: Sinopharm neSinovac (China), Covaxin (India) neSputnik-V (Russia).
Sen Mutsvangwa vanoti makambani akazvimirira nemamwe mapoka vanenge vachida kutenga mushonga wekudzivirira Covid-19 vanofanirwa kutenga yakanyoreswa muZimbabwe chete.
“Mishonga yose yekudzivirira chirwere cheCovid-19 inofanirwa kutengwa kuburikidza nehomwe yeNational Vaccine Procurement Fund iyo iri kufambiswa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika. Masangano akazvimirira, vanhu nevamwe vanoda kupa rubatsiro rwekutenga mishonga iyi kuna President vanoita izvi kuburikidza nehomwe iyi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 36 321 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus – uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 – muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.
Pavarwere ava, 33 919 vakatopona asi vamwe 1 489 vakafa.




