Akarohwa nemheni pasi pemuti

Kingstone Mapupu

MURUME aigara mubhuku raKadowaire, kwaMambo Chisunga, kuGuruve anonzi akafa mushure mekurohwa nemheni apo ainge agere pasi pemuti.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo vanoti: “Tine murume anonzi Maxen Nyandoro uyo akarohwa nemheni ndokufa agere pasi pemuti uri pamba pavo apo mvura yainaya iri shoma. Panguva iyi amai vake, Kamewa Pedzisai, vainge vachibika chikafu chemanheru vari mumba yehuswa.”

Vanoti mheni yakatanga kurova muti waiva ugerwe pasi pawo naNyandoro ndokubva yangomubatanidzira achibva angofira panzvimbo.
“Mheni iyi payakarova muti uyu ichizonhanira kuna Maxen Nyandoro, yakazoenda ndokunorova zvakare imba yehuswa yaiva naMbuya Kamewa Pedzisai ichibva yabatira moto pakarepo. Amai ava vakabuda mumba vachitiza ndokuona mwana wavo akazvambarara pasi pemuti atofa.

Vakazonozivisa vamwe vemumusha mavo avo vakawana murume uyu atofa uye imba yatoparara nemoto,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.
Vanoti Alexio Kanjera naWilliam Kaumwe vakazotakura mutumbi waNyandoro kuenda nawo kuchipatara cheChitsungo uko vakasvikoudzwa kuti ainge atofa.

“Vakazomhan’ara kumapurisa ekuChitsungo Police Base, mutumbi uyu uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheChitsungo,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Mapurisa anogaroyambira veruzhinji kuti vasahwande kana kugara pasi pemiti mvura ichinaya sezvo zviine njodzi yekurohwa nemheni.
“Ngatiregei kugara pasi pemiti mvura ichinaya kana kutambira mumvura nekubata zvinhu zvinoshandisa magetsi kana waya. Kune vanopfeka cheni dzemicheno muhuro, bvisai kana mvura yave kunaya morega kugeza panguva iyi, musabate mvura kana kushandisa nhare nekuti zvinoita kuti mheni iwane mikana yekukurovai,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Mune imwewo nyaya, Asst Insp Dhliwayo vanozivisa nezvetsaona yemwana akany’ura nemusi wa24 Kukadzi apo akaenda kunogeza nemumwe wake.

“Tine mwana anonzi Devine Damiano, aive nemakore manonwe ekuberekwa, wemubhuku raChitendere, kuMushumbi Pools, uyo akaenda kurwizi rwaChishenjere aine mumwe wake wemakore gumi vachida kunogeza. Vasvikako, Devine Damiano akabva asvetukira mumvura achibva any’ura, mumwe wake ndokuzomhanyira kumusha kunotaurira baba vemufi VaNomatter Damiana (28) avo vakasvikonyurura mutumbi wemwana uyu ukaendeswa kuchipatara cheChitsungo.”

Asst Insp Dhliwayo vanoyambirazve vanhu kuti vasasiye vana vachienda voga kunzizi kana kumatsime akazara mvura.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×