‘Tagadzirira chikoro’

Mary Chimenya

VADZIDZI vekusekondari, makoreji nekumayunivhesiti vanoti vagadzirira kuvhurwa kwezvikoro zvichitevera kuvharwa kwazvange zvakaitwa kwenguva yakareba nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Zvikoro zvepuraimari nesekondari zviri kuvhurwa nemusi wa15 Kurume kuvadzidzi vari kunyora bvunzo gore rino uye nemusi wa22 Kurume kune vamwe vose.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vadzidzi avo vanoti vagadzirira.

Fortune Mabasa (17) wekuGlen Norah C, muguta reHarare – uyo anodzidza paWaddilove High School iri kuMarondera – anoti ange asuwa kuenda kuchikoro zvakanyanya.

Fortune Mabasa

“Ini ndiri kunyora bvunzo dzeZIMSEC gore rino zvokutoti patiri kuvhura chikoro ndiri kuda kushanda nesimba nekuti kana tiri kumba hatikwanise kunyatsoita zvisvinu nekuda kwekutumwa-tumwa semunhu wemusikana. Hurumende ipapo pakuti zvikoro zvivhurwe ndopayakatigonera, tinoitenda,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naTanaka Nyamatore (22) wekuBloomingdale, muHarare zvakare, uyo anodzidza kuUniversity of Zimbabwe achiti panguva yelockdown vaidzidza padandemutande (online).

Tanaka Nyamatore

“Panguva yelockdown, isu taingodzidza kuburikidza neOnline Learning asi zvaiperevera nekuda kwokuti isu vekumayunivhesiti tinenge takawanda uye kuti munzwisise zvinenge zvichitaurwa nemudzidzisi zvinonetsa. Kana kuti ubvunze zvakangooma.

“Pamwe pacho masaisai anonetsa zvoreva kuti watosarira kumashure. Ndinofara kuti tave kukwanisa kunodzidza tichionana nevadzidzisi uye kana tiri kuchikoro hapana zvinotikanganisa kunyatsoisa simba rose pamabhuku,” anodaro.

Tinotenda Makwara, uyo anodzidza kuMidlands State University (MSU), anotiwo: “Tinofara kuti tava kukwanisawo kuenda kuchikoro nekuti nguva yange yareba tiri pamba, takangogara. Asi pange pasina zvekuita sezvo yaive nzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Tiri kugadzirira kuvhura zvikoro tichinyorawo mazamanishoni edu, tienderere mberi nezvidzidzo. Kana tiri kumba haunatsokwanise kuverenga zvakanaka nekuda kwokuti kune zvakawanda zvinotikanganisa kuverenga uye mabasa epamba, sekusakura.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×