Vana 5 miriyoni vari kubaiwa majekiseni

HURUMENDE ichatanga chirongwa chekubaya majekiseni ekudzivirira chirwere chegwirikwiti kuvana vanosvika 5 miriyoni vane makore ekuberekwa anobvira pamapfumbamwe kusvika pa15 pakupera kwemwedzi uno.

Kubaiwa kwemajekiseni e”rubella” ne”measles” ayo anozivikanwa nekuti MMR vaccine, kuchaitwa pamwe chete nekupihwa kwechikafu chine Vitamin A kuvana vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa.

Kudya uku kuchapihwa mushure memwedzi mitanhatu yoga-yoga kusvikira vana ava vasvitsa makore mashanu ekuzvarwa.

Chirongwa ichi chichaitwa kubva musi wa28 Gunyana kusvika 2 Gumiguru kunzvimbo dzose dzinorapirwa varwere munyika.

KuMashonaland West kuchabaiwa vana vanosvika 680 509.

Mushandi webazi rezveutano nekurerwa kwevana, health education and communication officer kuMashonaland West, VaGeorge Kambondo, vakataura pamusangano wekurwisa gwirikwiti kuChinhoyi nemusi weChishanu svondo rapera kuti matanho ari kutorwa ekuona kuti vana vose vabaiwa majekiseni aya.

Mashonaland West ndiyo yakave nenyaya dzakawanda dzechirwere che”rubella” icho chinozivikanwa zvakare seGerman Measles muna 2014, zvikuru pachikoro cheSandringham Primary School muna Chikunguru wegore iri.

Nyaya dzechirwere ichi dzazivikanwa pari zvino mudunhu iri dzinosvika 10.

VaKambondo vanoti pane matanho ari kutorwa zvakare kuitira kuti vamwe vanhu vasingade kuti vana vavo vabaiwe majekiseni nekuda kwezvikonzero zvakaita sezvitendero vanzwisise kukosha kwechirongwa ichi.

Vakafanobata chigaro chemukuru wezveutano kuMashonaland West, Dr Gift Masoja, vanoti sedunhu, vakagadzirira chirongwa ichi.

“Hatikwanisi kumanikidza vamwe vasingade zvirongwa zvakadai vakaita sevechipositori, asi kuti tinokwanisa kuvadzidzisa pamusoro penjodzi yekusabaisa vana vavo majekiseni enhomba aya,” vakadaro Dr Masoja.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira, avo vanove epidemiology and disease control director, vakatsinhira nezvechirongwa ichi kunyangwe zvazvo vasina kuda kutaura zvakawanda pamusoro pacho.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×