Vana vane hurema vosimudzirwa

Tandayi Motsi

GURUKOTA revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Dr Sekesai Nzenza, vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekusimudzira upenyu hwevana vanorarama nehurema, kusanganisira kuti vawane mukana wekudzidza zvakaenzana nevamwe vane mitezo yakakwana.

Vakataura mashoko aya mudare reSenate svondo rapera apo vaipindura mubvunzo waSenator Alice Chimbudzi vanomirira Mashonaland Central mudare iri.

Sen Chimbudzi vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa nyaya dzekusarurwa kwevana vakaremara mitezo. Dr Nzenza vanoti Hurumende iri kutora matanho akananga kurwisa nyaya dzekusarurwa kwevana ava.

“Chekutanga, chikamu chinosvika 10 percent chehomwe inobatsira vana vanoshaya nemari dzechikoro yeBasic Education Assistance Module (BEAM), chiri kuendeswa kuzvikoro zvinodzidzisa vana vakaremara. Nekuda kwedanho iri, vana vanorarama nehurema vari kukwanisa kudzidza uye vamwe vavo vari kuwana fundo yakanaka inoita kuti vakwanise kudyidzana nevane mitezo yakakwana,” vanodaro.

Vabereki vane vana vakaremara mitezo, vanodaro Dr Nzenza, vari kuwanawo rutsigiro kubva kuHurumende kuburikidza nevashandi (social welfare officers) pamwe nekumasangano akazvimirira.

Vanoti kukumikidzwa kwechisungo chepasi rose chakananga kusimudzira upenyu hwevakaremara mitezo, United Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities, neZimbabwe kuchabatsira zvikuru mukurwisa nyaya dzekusarurwa kwevanhu vanorarama nehurema.

“Hurumende yeZimbabwe, kuburikidza nebazi revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, yakauya nechirongwa chekubatsira nherera nevamwe vana vanoshaya, cheNational Plan of Action. Izvi zvakaitwa muna2010 uye chinangwa chiri chekuti vana vose vapihwe mikana yakaenzana.

“Pasi pechirongwa ichi, pane rimwe bandiko rinozivikanwa nekuti Case Management System rine donzvo rekuti vana vose vawaniswe zvavanoda mukurarama kwavo,” vanodaro Dr Nzenza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *