Kudonha honye – ‘Kushereketa uko’

Muchaneta Chimuka

IMWE nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nyaya yemukomana anonzi ava kubuda honye mushure mekunge aitwa mukadzi nechimwe chizvarwa chekuNigeria ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yekuromba.

Svondo rapera pamberi Kwayedza yakaburitsa mukomana anoraramira mumigwagwa, Wiri Sogasa, achiti akangotanga kubuda honye apo akaitwa mukadzi nemumwe murume ane mabhizimisi muHarare.

“Mukomana uyu kana achiti honye dzakatanga kubuda paakaitika izvi, zviri pachena kuti pane hurombwa. Ndinodaro nekuti kune nyaya dzakawanda dzevanhu vari kutumwa nevamwe varapi vechivanhu vemanyepo vachiudzwa kuti kana akashereketa nemurwere wepfungwa kana kuti mugunduru ane tsvina, anobva apfuma – anoita mari.

“Hazvishamisi kuti kuwanda kwehonye dziri kubuda pamukomana uyu ndiko kuwandawo kuri kuita mari yake, mabasa emishonga aya,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Dr Amon Mpofu, avo vanove Monitoring and Evaluation director kuNational AIDS Council, vanoti sangano ravo rakatovhura makiriniki mashanu anoona nezveutano hwesikarudzo yevarume mushure mekuona nyaya dzerusarura dzavanosangana nadzo.

“Tine maDrop-in Services Centres pamizinda mishanu yatakavamba iyo inobatsira varume kuti vawane mikana yekusangana vachikurukura maringe nezveutano hwavo, zvikuru nyaya dzezvirwere zvepabonde. Donzvo redu nderekuona kuti tarwisa zvirwere zvose zvepabonde kusvika zvapera (zero infection).

“Mizinda iyi takatoivamba, uye tine tarisiro yekuti ichabatsira varume vazhinji zvisinei nekuti vanoita bonde nenzira dzipi,” vanodaro.

“Kuburikidza nemaDrop-in Services Centres aya, varume vachawana mikana yekupangwa mazano nekuita nhaurwa dzezveutano,” vanodaro.

Dr Mpofu vanokurudzira mukomana ari kubuda honye uyu kuti anorapwa kumakiriniki anopa rubatsiro rwepachena seBeatrice Infectious Hospital kana kuMSF Clinic.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *