Vana vanoda kubatwa zvakanaka: President

MUTUNGAMIRIRI wevechidiki,  Junior President Nhlanhla Moyo (kurudyi),  achiimba rwiyo rweNational Athem nevamwe pakuvhurwa zviri pamutemo kwedare revechidiki re22nd Session of the Children’s Parliament pamwe nemhemberero dzeDay of the the African Child, muHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Believe Nyakudjara
MUTUNGAMIRIRI wevechidiki, Junior President Nhlanhla Moyo (kurudyi), achiimba rwiyo rweNational Athem nevamwe pakuvhurwa zviri pamutemo kwedare revechidiki re22nd Session of the Children’s Parliament pamwe nemhemberero dzeDay of the the African Child, muHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Believe Nyakudjara

MUTUNGAMIRIRI wenyika, President Mugabe vanoti vanoshushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vechidiki zvichitevera kushaya hunhu kwevamwe vanhu vechikuru.
Vachitaura svondo rapera pavaiparura dare reParamende yevechidiki, re22nd Session of the Children’s Parliament pamwe nemhemberero dzeDay of the the African Child muHarare, President Mugabe vakati svondo roga-roga vanoudzwa nemapurisa nyaya dzinorwadza dzekushungurudzwa kuri kuitwa vana.

Vakati zvizvarwa zveZimbabwe zviripo pari zvino zvatadza kupedza “chirwere” ichi.
“Chii nhai? Vakuru vedu vanenge vapindwa nemweya waSatani. Musi weMuvhuro wega-wega apo pandinoudzwa zvinenge zviri kumapurisa, tine nyaya dzevana vari kushungurudzwa kwose-kwose,” vakadaro.

President Mugabe, avo vanovazve mukuru-mukuru wemauto, vakati dzimwe nguva baba vanoshungurudza mwanasikana kana kuti mwanasikana ari kubatwa chibharo nehama yepedyo.

“Zviri kuitika uye zvakaipa. Saka hunhu hwedu hwaendepi? Kana tichinge tichikuregererai, tiri kuti dzidzai kubva kunesu nzira dzekuti musaita zvinhu zvakashata zvatiri kuita uye muite zvakanaka zvatisiri kuita,” vakadaro President Mugabe.

President Mugabe vakati zvakakosha kuti pave nedzidzo inopa raramo yemabasa emawoko kwete kungofunda zvemabhuku chete.

Vakatizve dzidzo yemabasa emawoko ndiyo mbambo yekusimukira kweupfumi hwenyika apo vechidiki vakadzidza vanenge vari pamberi mukutungamirira zvirongwa zvekusimudzira Zimbabwe.

“. . . remangwana enyika riri mumawoko evechidiki. Takazvibvunza kuti chii chinofanirwa kuitwa, ‘Dzidzo pakutanga’ takadaro. Dzidzo inovapa ruzivo, asi inofanira kuvapa zvakare mabasa emawoko ekuti azovabatsira mukurarama kwavo, kubudirira kwavo nekubudirira kwenyika,” vakadaro.

President Mugabe vakati vadzidzi vanodarika 20 000 vakabatsirwa pasi pechirongwa chePresidential Scholarship Programme kubva pachakatanga. — The Sunday Mail.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×