Vaive vashandi vemumugodhi vave hurudza

VAMWE vevaimbove vashandi vepamugodhi weTrojan Nickel Mine kuBindura vanosvika 724 vowana raramo kuburikidza nekurima zvichitevera kupihwa kwavakaita minda pane rimwe purazi riri kudunhu iri.
Varimi ava vari kurima zvikuru papurazi reKingstone iro rine mahekita 3 000 riri kuBindura South iyo inomiririrwa mudare reNational Assembly naCde Remigious Matangira. Cde Matangira vakati vaive vashandi vepamugodhi uyu vari kuita zvinorova nekurima.

“Kambani yeTrojan yaiva nevashandi vanodarika 2 000 avo vamwe vacho vachiriko kubasa vamwewo vakabuda, saka ini semutungamiri wavo ndinoda kuti vanhu vose ava vawaniswe minda mwaka uno, vakakohwa zvinonwisa mvura kubva muminda midiki yavakawaniswa iyi,” vakadaro.

“Tine vechidiki vari kugara mudzimba dzeTrojan vakaburitswa mabasa vakaroora vari kurarama nekurima minda iyi, vakapihwa minda iyi mugore ra2008 saka chikumbiro changu kuti vachipihwa matsamba ekuti vaite varidzi veminda asi dambudziko riripo zvinonzi purazi iri iperi-urban, inyaya yava kuvakuru iyi hatizive kuti zvichaitwa sei,” vakadaro.

Mumwe wevarimi ava, VaSimbarashe Musarurwa (35) nemudzimai wavo, Hilda Musarurwa (33), vakati upenyu hwavo hwapunduka zvikuru nekurima.

VaPaul Simango (49) vakatiwo vanotarisira kuwana matani gumi pachibage chavakarima.
“Ini ndine mahekita maviri chete saka ndinodawo mimwe minda sezvo ndiine mhuri huru,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×