Vana vofunda zvitsva

ZVIKORO zvose zvemuZimbabwe zvichatanga kudzidzisa zviri mugwaro idzva rekuvandudzwa kwedzidzo, reNew Education Curriculum, munaNdira 2017.Gwaro idzva iri rinokurudzira fundo yemabasa emawoko nekushandiswa kwemitauro yemunyika muno.

Izvi zvinotevera budiriro yakaitwa nguva yadarika pasi pechirongwa chezvikoro 100 zvesekondari nepuraimari izvo zvakasarudzwa kuti zvidzidzise zviri mugwaro iri kubva muna Chivabvu kusvika Gunyana.

Gwaro idzva iri rakashandiswa muzvidzidzo zveEarly Childhood Development (ECD), Grade 1 kusvika 3 neForm 1, Form 3 ne5.

Zvikoro zvaive muchirongwa ichi zvinosanganisira Prince Edward High (Harare), Eveline High (Bulawayo), St Columbus (Mutasa), Chaplin High (Gweru), Avondale Primary (Harare) neKriste Mambo High (Manicaland).

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa ichi chakabudirira zvikuru izvo zvakavapa manyuku-nyuku ekuti chichitekeshera muzvikoro zvose gore rinouya.

Gwaro idzva iri rine zvidanho zvitatu zvinoti – Infants (ECD kusvika Grade 2), Juniors (Grade 3-7) nedzidzo yekusekondari. Padanho reECD, pane kurudziro yekudzidziswa kwemitauro yemunyika muno pamwe nezvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinozovandudzwa paGrade 3 kusvika 7.

Pasi pegwaro idzva redzidzo iri, pachange paine kanzuru inomirira varairidzi, yeProfessional Teachers’ Council, kudzidziswa kwezvidzidzo zvekuti vana vazokwanisa kurarama nazvo mune remangwana, fundo yezvemari, ICT pamwe neruzivo rwekugadzurudza zvinhu zvinenge zvichinetsa.

Pachava nenzira itsva maringe nezvebvunzo dzeGrade 7 apo pane zvichakohwehwa nemudzidzi panenge pachitsariswa chikamu che50% kubva mune zvichanyorwa mubvunzo ne50% kubva pane zvaanenge akadzidza kwenguva yakareba (continous assessment).

Padanho reForm 4, chikamu che40% chichabva pane zvakadzidzwa nemwana, 30% mazamanishoni ezvemabasa emawoko ne30% ichabva pazvinenge zvakadzidzwa kwenguva yakareba. Munyori mukuru wesangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Manjongwe, vanoti: “Ndiani angarambe chirongwa chebudiriro? Tichachitsigira nekuti chakanakira Zimbabwe. Asi chirongwa ichi chikaitwa nenzira dzisina kunyatsojeka, chinosangana nematambudziko ekusagamuchirwa zvakanaka.”

Mashoko avo akatsinhirwa naVaJohn Mlilo veZimbabwe Teachers’ Association vachiti, “Kuvepo kwechirongwa ichi kwakanaka nekuti takabatsira mukuburitswa kwegwaro iri.” – The Sunday Mail.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *