Vana vogadzirira kunyora bvunzo

RAKANGE riri besanwa muguta reHarare svondo rino zvichiteverwa kuvhurwa kwezvikoro nemusi Chipiri apo vana vaidzokera kuzvikoro uye vamwe vakavimbisa kushanda nesimba temu ino kuitira kuti vagobudirira muzvidzidzo zvavo.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vevana ava, avo vakatenda Hurumende zvichitevera kubvumidza kwayakaita kuti zvidzidzo zvepazororo (extra-lessons) zvichiitwa zvakare.

Tinashe Garandi, uyo ari kuita Form 4 paRuya High, kuMt Darwin, akati pazororo haana kutambisa nguva sezvo aienda kuzvidzidzo zvepazororo izvi.

“Zororo rainakidza zvikuru asi nguva zhinji taienda kumaextra lessons. Pakambomiswa zvidzidzo izvi takarwadzikana zvikuru, taitofunga kuti tichafoira asi takashandisa mukana wekudzorwa kwazvakaitwa,” akadaro Tinashe

Mashoko ake akatsinhirwa nePride Madhlozera, uyo ari kuita Form 4 pachikoro chimwe chete ichi, achiti vave kugadzirira kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) nguva pfupi inotevera.

“Ndinoshuvira kuti dai tese nevamwe vandinodzidza navo tikapasa tisimudzire chikoro chedu,” akadaro.

Lloyd Chabhelema, uyo ari kuita Form 2 paSerima High School, kwaGutu kuMasvingo, akakurudzira vamwe vana vechikoro kuti vakoshese zvidzidzo zvavo. Vamwe vevabereki vakataurwa navo vakanyunyuta vachiti vaitora nguva refu vari mumitsetse kumabhanga vachida kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.Mumwe wevabereki ava, Mai Spiwe Urayayi, avo vaida kubhadharira mwana wavo anodzidza paMufakose High 2, muHarare, vakati temu yoga-yoga kana yasvika nguva yekubhadharira vana mari yechikoro vabereki vari kupedza nguva refu vakamira mumitsetse.

“Dai bhanga redu rawedzera vashandi, pano tamira nguva yareba,” vakadaro Mai Urayayi.

Vana vanodzidza kumabhodhingi vakatanga kudzokera kuchikoro nemusi weMuvhuro wadarika.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×