IVHU
Unozviziva here kuti nyaya yevhu kana kuti yeminda yakatanga kare pakauya varungu muno kuma 1890. Varungu vakanga vauya muZimbabwe vachitsvaga goridhe, asi pavakazoona kuti goridhe rakanga risingangowanikwe pese-pese sezvavaifunga, vakabva vatanga kuita chipata-pata kutora nzvimbo dzekurima nekuchengetera mombe. Kambani yeBSA yakaita kuti zvive nyore kuti vaRungu vawane minda, uye haina kumboita hany’a nekodzero dzevatema vakanga vari varidzi venzvimbo dzaitorwa idzi.
Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…




