Vana vosangana nemhirizhonga

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero dzevanasikana — reShamwari yeMwanasikana — riri kufamba kumativi ose enyika richiita zvirongwa zvekuchenjedza vana pamusoro pemhirizhonga yavanogona kusangana nayo panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 uye kuti vangaidzivirira sei.

Svondo rapera, sangano iri raive kwaSeke.

Vachitaura pachirongwa ichi paZiko Shopping Centre apo paiva nevana vemuzvikoro zvakakomberedza nzvimbo iyi, Muzvare Ekenia Chifamba — avo vanova mukuru uye muvambi wesangano iri — vanoti munhu wose ane basa rekupedza mhirizhonga.

“Tatenderera munharaunda yeSeke takabatana nesangano rePadare, Victim Friendly Unit, vadzidzisi, vagadziri vemitemo, masabhuku nemadzishe, bazi rinoona nezvemadzimai nevamwe tichishambadza mashoko echenjedzo pamusoro pekurwisa mhirizhonga — kunyanya munyaya dzekuroodzwa kwevana.

“Tinoona kuti munguva yelockdown vana vakawanda vakanga vagere kudzimba uko vaimbunyikidzwa nenzira yebonde, zvikuru nehama dzepedyo izvo zvaiita kuti nyaya idzi dzinetse kubuda pachena,” vanodaro.

Vanoti vanakomana zvekare vari kusangana nemhirizhonga yepabonde.

“Vanakomana vari kusanganawo nemhirizhonga asi vasikana ndivo vakawanda. Muno maSeke vana vazhinji vakatokundikana kuenderera mberi nechikoro mushure mekunge vabata pamuviri uye vamwe vakaroodzwa.

“Vabereki havafarire kuendesa kuchikoro mwana anenge amitiswa nokudaro anopedzisira ava kupinda muwanano yekumanikidzira zvinova zvine njodzi kuupenyu hwevana uye zvichikanganisa ramangwana ravo,” vanodaro Muzvare Chifamba.

Nguva pfupi yadarika Hurumende yakadzika mutemo unotendera vanasikana vanenge vaita pamuviri kuti vaenderera mberi nechikoro.

Vanoti kurwisa mhirizhonga uku kunofambirana nechirongwa che16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Chirongwa ichi chakaitwa pachitevedzwa mitemo yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) yekurwisa Covid-19. Vana vechikoro vakapihwawo mabhuku ane ruzivo maringe nenyaya dzemhirizhonga.

“Tinofara zvikuru neruzivo rwatawaniswa neveShamwari Yemwanasikana, iko zvino tava kuziva kwekunomhan’ara kana vamwe vedu vachinge vawirwa nemhirizhonga. Tave kuziva zvekare kuti tinodzivirira sei mhirizhonga muzvikoro nemudzimba. Kuno vana vanofamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro uye zvimwe zvikoro zviri pedyo nemabhawa zvinova zvinopa mikana yekuti vana vasangane nemhirizhonga,” anodaro mumwe mwana anodzidza paJonasi Secondary School, ikoko.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×