Vanhu vazhinji vanogona kufa

Vusumuzi Dube

ZIMBABWE inogona kuita vanhu vakawanda vanobatwa nechirwere cheCovid-19 nevanofa sezvo pari zvino nyika ino ichiratidza kuti yapinda muchikamu chechipiri chekunyuka kwedenda iri (second wave).

Izvi zviri kuitika panguva iyo kuri kuitwa kurudziro yekuti Hurumende ibvise kunyevenutsa kwose kwayakaita matanho ekurwisa chirwere ichi elockdown.

Mumasvondo mashoma adarika, nyika ino yaona kuwanda kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 apo Bulawayo iri iyo ndiyo mwongo wechirwere ichi.

Muhurukuro neKwayedza, vakafanobata chigaro chachamangwiza wechipatara cheMpilo Central Hospital, Professor Solwayo Ngwenya, vanoti vanhu vakawanda havasisina hanya nekuzvidzivirira kubva kuCovid-19.

KuBulawayo nedzimwe nzvimbo dziri kumatunhu enyika, vanhu vari kuonekwa vachiungana vachiita mabiko uye vamwe vachiita zvemashabhini pasina kutevedzera matanho akatarwa ekudzivirira Covid-19.

Kuvhurwa kwezvikoro kwaona zvakare nyaya dzevana vari kubatwa nechirwere ichi vachiwanda apo paJohn Tallach High School iri kuMatabeleland North, vana nevarairidzi vanodarika 180 vakawanikwa vaine chirwere ichi.

“Tatove muchikamu chechipiri chekunyuka kwechirwere ichi, chikamu chekutanga chakakwanisa kurwiswa kuburikidza nematanho akasimba elockdown. Mushure mezvo vanhu vavarairwa iye zvino chirwere ichi chave kudzoka chiine simba rakawanda kudarika pakutanga.

“Mviro-mviro dzekunyuka kwechirwere ichi kechipiri, kunyanya muBulawayo, ndedzekuti vanhu havasisina hanya uye vavarairwa. Ndizvo zvatagara tichiyambira kunharaunda nekuda kwehunhu hwakadai,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoenderera mberi: “Izvi ndizvo zvakonzera kuti tisvike pakadai. Bulawayo zvakare, maringe netsika nemagariro inorunzirwa nezvinoitika kuSouth Africa, iyo yayakavakidfzana nayo, ndine fungidziro huru yekuti pane dzimwe nzvimbo idzo vanhu vari kutambira zvinhu zviri kupinda munyika muno zvisiri pamutemo kubva kunyika iyi izvo zviri kuita kuti vari kubatwa nacho varambe vachiwanda muBulawayo.”

Vanoti zviri kuitika izvi zvakafanana nechirwere chedzihwa chinozivikanwa nekuti Spanish flu virus chegore ra1918.

“Zviri kushungurudza zvikuru nekuti muBulawayo tanyanya kuvarairwa, vanhu vari kuita mabiko, havachatevera mutemo wecurfew, mamasiki ari kupfekwa nenzira dzisiridzo mhuno dzichionekwa panze uye vari kungoita zvavanoda sezvinonzi chirwere ichi hachisisiko zvachose,” vanodaro Prof Ngwenya.

“MuZimbabwe pasina lockdown, chirwere ichi chicharamba chichitekeshera. Iri harizi dambe, chirwere ichi injodzi huru pasi rose. Kana tikaona mamiriro chaiyo akaita zvinhu aya tinokwanisa kunzwisisa kuti senyika tinofanirwa kuita sei.”

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 10 718 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 8 880 vakatopona asi vamwe 291 vakafa.

Bulawayo ine vanhu 2 573 vabatwa neCovid-19 apo 1 917 vakapona vamwe 82 ndokufa.

Dunhu reHarare rine vanhu 3 483 vawanikwa vaine chirwere ichi, 3 143 vakapona asi 130 vakafa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×