‘Vane gomarara dzivirirwai’

Precious Manomano

HURUMENDE iri kukurudzira varwere vegomarara kuti vavhenekwe nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Kurapwa kwegomarara kunonzi kunoderedza simba remasoja emuviri panyaya yekurwisa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Mushonga wekudzivirira kubatwa neCovid-19 uri kuonekwa uchibatsira zvakanyanya kumisa kupararira kwedenda iri.

Muchinyorwa, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti zvakakosha kuti varwere vegomarara vabaiwe majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe neCovid-19.

“Zvakakosha kuti vadzivirirwe kubva kuCovid-19 nekuti majekiseni aya anobatsira kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere.

“Pamusoro pezvo, matanho aripo ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anofanirwa kutevedzwa, munhu wose anosungirwa kuramba achipfeka masiki, kugeza maoko nguva nenguva nemvura ine sipo nekusaita chitsokotsoko,” rinodaro bazi iri.

Varwere vegomarara vanokurudzirwa kuti vakurukure nezveutano hwavo nemachiremba vanoona nezvekurapwa kwechirwere ichi (oncologist) uye voudzwa gwara rekutevera maringe nekurapwa nekubaiwa majekiseni edziviriro aya.

Dr Anna Mary Nyakabau, avo vanova nyanzvi pakurapwa kwegomarara, vanoti varwere vedenda iri vari panjodzi yekutapurirwa Covid-19.

“Vanhu vanorwara negomarara vari panjodzi yekubatira coronavirus sezvo masoja emuviri yavo asina simba rakanyanya rekurwisa zvirwere nekuda kwekurapwa kwavanenge vachiitwa.

“Kurapwa kwegomarara kunoderedza simba remasoja emuviri panyaya yekurwisa zvirwere saka tinokurudzira varwere vegomarara kuti vabaiwe majekiseni aya,” vanodaro Dr Nyakabau.

Pane mutsauko mukuru uripo panyaya yekuvheneka gomarara nekuzobatsirwa kwemurwere pakati penyika dzakabudirira nedzichiri kusimukira.

Varwere vegomarara kunyika dzichiri kusimukira vanogona kusangana nematambudziko anosanganisira kutadza kuenda kunzvimbo dzavanowana rubatsiro panguva yakaita seino yekurwisana nedenda reCovid-19.

Zimbabwe ine hurongwa hwekuti vanhu vose, kutangira pazera richatarwa, vavhenekwe gomarara nedonzvo rekuti vanowanikwa vaine chirwere ichi vabatsirwe nguva ichiripo sezvo riri panhamba yepiri pazvirwere zviri kunyanya kuuraya vanhu pasi rose.

Pachange zvakare paine chirongwa chekudzidziswa kwevanachiremba vanorapa gomarara paParirenyatwa School of Nursing neCollege of Health Sciences.

Magwaro ane bazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti chirwere cheCovid-19 chisati chanyuka, vanhu 800 000 vaifa pamwedzi pasi rose nekuda kwegomarara, hunove huwandu hwakawanda kudarika vari kufa neCovid-19 pari zvino.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×