Mabatirwo emunhu ane Covid kumba

Muchaneta Chimuka

VANAHUTSANANA vemunharaunda, avo vari kuona nezvenyaya dzekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (Community Health Workers on Covid-19) kumativi ose enyika, vari kukurudzira kuti vechidiki vawaniswe dzidziso pamusoro pedenda iri sezvo vamwe vavo vachigara nevanhu vanaro.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vanahutsanana avo vanoti zvakakosha kuti vechidiki vadzivirirwe kubva kuchirwere ichi.
VaAirman Mlambo, vanova CHW kuChipinge, vanoti zvakakosha kuti pwere dzifundiswe maringe neCovid-19 kuitira kuti zvisavaremere kutevedzera matanho ari pamusoro pekumisa kupararira kwedenda iri.

“Ibasa remunhu wose kuona kuti vana vakachengetedzeka. Murwere anofanira kupihwa kamuri yake yemba iyo anogara ari kwake oga kuitira kuti vana vasazotambira paari. Munhu wose pamba ipapo anofanira kupfeka masiki uye maoko achigezwa nesipo kana sanitizer nguva nenguva kuitira kuti chirwere ichi chisatapuriranwe,” vanodaro.

Mai Margaret Johwa vanova nhengo yeCHW kwaMutare vanotiwo munhu ane hutachiona hweCovid-19 anofanirwa kuendeswa kunzvimbo dzinorapa nekuchengeta vane chirwere ichi kana pamba paine pwere.

“Kana munhu ari kurwara aine hukama hwepedyo nemwana sekuti ndiamai vake, mwana anogona kunetsa achida kuenda kwaari. Saka zvakakosha kuti amai ivavo vambonorapwa vari kure nemwana nekuti vanogona kuzongoerekana vamubata.

“Ndizvo zvakakoshera maquarantine centre, kunyanya kana pamba pasina dzimba dzakawanda,” vanodaro.

Mai Patience Rusare vanova CHW muHarare vanotiwo murwere ane Covid-19 kana ari pamba ndiye anofanira kupedzisira kugeza uye mushure mezvo munenge magezerwa mofiritwa nemishonga kana kugezwa nejiki.

“Pamusha kana paine murwere ane Covid-19, vamwe vose vasina chirwere ichi ndivo vanofanira kutanga kugeza, iye ozopedzisira kuitira kuti maanenge agezera muzokwanisa kufiritwa nemishonga. Danho iri rinoitirwa kuti chirwere chisapararire kune vasina. Chimbuzi chaanoshandisa chinofanira kugezwa nguva nenguva kuitira kuti pwere dzisazobatira zvirwere,” vanodaro.

Kuchiti VaItai Ngorima vanova nhengo yechikwata cheRapid Response Team munyaya dzekurwisa Covid-19 vanoti veruzhinji vanokurudzirwa kuti vachaye nhare panhamba dzinoti 2019 kuti vabatsirwe nekukasika, kunyanya kana pachinge paita fungidziro yechirwere ichi munharaunda.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×