Vanhu 200 000 vadzoka muZim

Rumbidzayi Zinyuke

MARI inosvika US$10 miriyoni inonzi iri kudiwa kushandiswa kutsigira raramo yevanhu vanodarika 200 000 vemuZimbabwe avo vakadzoka kumusha kubva kunze kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 gore rapera mushure mekugara kune dzimwe nyika kwemakore.

Sangano reInternational Organisation for Migration (IOM) rinoti denda iri rakanganisa zvikuru upenyu hwevanhu mamiriyoni pasi rose.

Mukuru weIOM muZimbabwe – VaMario Lito Malanca, vanove chief of mission – vanoti zvakakosha kuti patorwe matanho ekubatsira raramo yevanhu vakabva kunze nedonzvo rekuvadzikinura kubva muhurombo uho hunogona kukonzera kuti vapedzisire vave kupemha kana kupara mhosva nechinangwa chekutsvaga chouviri.

“Apo tiri kuona mamiriro akaita nyaya dzeutano zvichitevera kukanganiswa kwadzakaitwa neCovid-19, hatifanirwe zvakare kukanganwa kutarisawo kukanganiswa kwakaitwa raramo yevanhu vakadzoka kubva kunze mushure mekugarako kwemakore kuitira kuti upenyu hwavo hurambe huchienderera mberi.

“Kubva pakatanga Covid-19 muno munaKurume 2020, vanhu vanosvika 200 000 vakadzoka kuZimbabwe kubva kunze. Vanhu ava vakadzokera kunharaunda dzavakange vambobva vachitsvaga pundutso kumwe uye havana nzira dzekuzviraramisa nadzo zvichitevera mamiriro enyaya dzeupfumi munyika,” vanodaro VaMalanca.

Senzira yekusimudzira raramo yevanhu vakadai, VaMalanca vanoti IOM ichapa vamwe vavo zvekushandisa kuti vatange mabhindauko anosangansira kurima mapindu nekutsigira varimi vadiki pamwe nekuti vawane misika yekutengesera zvirimwa zvavo.

Rubatsiro rwakaringana ruchapihwa zvichienderana nezvinodiwa nevanhu vari munharaunda imwe neimwe.

“Kubatsirwa kweutano hwemupfungwa uye nekutsigirwa mune zvimwe zvakakosha senzira yekusimudzira raramo yevanhu vakanganiswa nedenda iri kuburikidza nekurasikirwa nemabasa, kurasikirwa nenzira dzekuwana nadzo mari, kukanganiswa kwedzidzo, kurasikirwa nevadikani uye kusangana nerusarura,” vanodaro.

Rubatsiro rweIOM muZimbabwe runoenderana nehurongwa hwesangano iri pasi rose, uho hunokoshesa kutsigirwa kwevanhu vari kubva kunze nekuda kweCovid-19 nehomwe yeUS$10 mumabhindauko akasiyana.

Kusvika pari zvino, sangano iri nevatsigiri varo vabatsira Hurumende mune zvakasiyana kusanganisira kusimbaradza nyaya dzezveutano pamiganhu inopinda nekubuda nevanhu munyika.

Chirongwa ichi, chinove chakatanga kune mimwe miganhu yenyika, chine donzvo rekubatsira kuchengetedzwa kweutano uye kodzero munyaya dzeupfumi kune vanoita mabasa ekunohodha zvinhu kunze vachizotengesa muno kuti mabasa avo afambire mberi panguva yekurwisa Covid-19.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×