Vechidiki vooneswa gwara

Abel Ndooka

SANGANO reLife Empowerment Support Organisation (LESO) riri kusimudzira vechidiki kubva munharaunda dzakasiyana kuburikidza nekuvapa dzidziso yekuti vangararame sei munguva ino apo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

LESO inoshandira kumatunhu akasiyana enyika nevechidiki avo iri kudzidzisa kuti vazive matanho ekutora muupenyu hwavo kuti huve pakanaka.

Mai Olive Mutabeni, avo vanova director wesangano iri, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira raramo yevechidiki pamwe nevechikuru nekuvapa dzidziso inoshandura upenyu hwavo.

Vanoti iye zvino LESO iri kushanda nevechidiki vari kunzvimbo dzinosanganisira Caledonia, muguta reHarare, vekuChitungwiza neve kumaruwa ekwaSeke.

“Vechidiki vakasapihwa dzidziso chaiyo remangwana ravo rinokanganisika chaizvo. Saka isu tiri kutora chikamu mukuvapa dzidziso kuti vakure vachiziva nzira dzekufamba nadzo idzo dzinonakira upenyu hwavo.

“Iye zvino tine 178 vatiri kushanda navo avo tiri kumbodzidzisa nekuratidza gwara reupenyu. Tinovimba kuti dzidziso yatiri kuvapa vachanopawo kune vamwe vechidiki kwavanobva,” vanodaro Mai Mutabeni.

Kunze kwekushanda nevechidiki, Mai Mutabeni vanoti sangano ravo rinotsigirawo varwere vanoshungurudzwa nezvirwere zvakasiyana kudzimba vachivabatsira nemashoko eshingiso pamwe nekuvakurudzira kuti vanwe mishonga yavo kuti vagopora.

“Rimwe basa ratiri kuita nderekufambira varwere kudzimba dzavo tichivaona kuti vari kurama sei uye vari kutora mishonga yavo here. Hatisarudze kuti munhu ari kusimbirwa nechirwere chipi, vese tinotovashanyira vangave vane HIV neAIDS, gomarara kana Covid-19. Tinovaona kuti vari sei tovabatsira nepatinokwanisa,” vanodaro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×