‘Vanhu 30 parufu’ yomutsa mutauro

Kingstone Mapupu

MUTEMO weHurumende unoti vanhu vanenge vari parufu havafanirwe kudarika 30 nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 unonzi uri kukonzera kukakavadzana mudzimwe mhuri zvekusvika vanhu pakuita sevacharwa sezvo vakawanda vanenge vachida kuonekana nemushakabvu.

Parufu hapasi kutenderwa kuungana vanhu vakawanda sezvo iri imwe yenzvimbo dzinonzi dzinokonzera kutapuriranwa kwehutachiona hwecoronavirus zvakanyanyisa uye nekukasika.

Nekuda kwemutemo unorambidza vanhu vari parufu kudarika 30, dzimwe mhuri dzinonzi dziri kusvika pakunetsana sezvo vanhu vanenge vachida kuvapo vakawanda sezvagara zvichiitika Covid-19 isati yava muZimbabwe.

Imwe yenzvimbo dzinonzi iri kugara dzichikakavadzana vanhu vemhuri kana kuti hama dzemufi kumakuva.

Nechikonzero chekuti vanoona nezvekumakuva vanonyatsotevedza zvinodiwa nemutemo, makakava anonzi anogona kutangira kumarinda uko vanhu vanonzi vapinde vari 30 bedzi.

Ipapa ndipo panobva patangira kusawirirana pakusarudza vanopinda mumarinda nevanosara.

Kumwe kuri kunetsana mhuri kumarinda eZororo Memorial Park Cemetery ari mumugwagwa unobatanidza Harare neChitungwiza.

VaCollin Chimombe (26) – avo vanova maneja wevashandi kumarinda aya – vanoti vari kuguma vopindira vachiyananisa apo vamwe vemhuri vanenge vokakavadzana pavanonoviga hama dzavo.

“Tiri kutevedza mitemo yatakapihwa neHurumende yekuti rufu rwoga-rwoga harufanirwe kunge rwuine vanhu vanodarika makumi matatu. Dambudziko ratiri kusangana naro ndere mhuri dziri kuuya nevanhu vakawanda zvekudarika kana zana isu toguma tapindira kuti vasarudze 30 bedzi vanopinda kuviga mufi. Mukuita izvi tiri kuzoona pogumisira vanhu vave kunetsana, vamwe zvekuda kutorwa kana kutukana,” vanodaro VaChimombe.

Vanoenderera mberi: “Semuenzaniso, kukafa mudzimai kunodiwa vekumurume anova mukuwasha nekumudzimai vanova madzitezvara nevazukuru uyewo nemasahwira. Asi, vanhu ava vanozowandisa tozoguma tavakumbira kuti vasarudze vanopinda, vamwe vosara izvo zvinozopa kutsamwisana pachavo votanga kukandirana makobvu nematete.”

Vanoti havasi kubvumira zvakare kuti hama dzemufi dzionekedzane naye kumarinda izvo vamwe vanenge vasingazive, zvokonzera kunyunyuta.

“Hatibvumire kuti vanhu vaonekedzane nevafi – iya yatinoti ‘body viewing’. Vanhu kungouya vachiviga vafi ipapo vachingosvika, zvatopera.”

VaChimombe vanoti vashandi vavo vose vanoziva zvinodiwa nemutemo pakutevedzera kuvigwa kwevafi munguva ino yeCovid-19.

“Tinokurudzira vanhu kuti pavanouya vachiviga vafi, ngavatevedzere zvose zvinodiwa kuti tirwise denda iri zvizere nekuti chokwadi Covid-19 inouraya,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×