Vemachechi voyambirwa

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), riri kukurudzira vatungamiri vemachechi ari pasi paro nevamwe kuti vatevedzere mitemo ine chekuita nekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 uye kuti vosiyana nenyaya dzekukoshesa mari panzvimbo yeupenyu.

Mukuru wesangano iri, Archbishop Johannes Ndanga, vanoti kune vakuru vemachechi vanomhanyira kuunganidza vanhu kuti vawane mari vachitadza kukoshesa utano hwevanhu kuti vasabatwe neCovid-19.

“Kurudziro yedu kuvatungamiri vedzisvondo ndeyekuti ngavarege kumhanyira mari vachikanganwa kuti upenyu hwevanhu hwakakosha kudarika mari. Tinoona kuti machechi anoramba vachinyengera vanhu kuti vaungane zvekudarika zana kana mazana maviri vachiitira kuti vagowana mari, vanotsvaga mashoko ezviporofita zvenhema zvekuti hanzi nemweya mutsvene unganai asi vachiziva kuti vanhu ava vachabvisa mari yezvipo nezvimwewo zvavanoda sevakuru vemachechi,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Mutemo weHurumende uri kutendera vanhu makumi mashanu chete kuti vapinde muchechi kana svondo dzingava dzepasi pemiti kana dzemupanai.

“Munoona kuti panguva inoitwa lockdown yekuti kumachechi uku hakudiwe munhu kana mumwe chete, mafundisi nevakuru vemachechi ava vanofa nenzara nekuti hakuna mari inenge ichiuya kwavari. Saka vaakuruka mazano ekuti vawane mari nekutaura zviporofita zvenhema vachiti tanzi unganai tirwise mweya wava kupinda mukati medu.

“Zvino tiri kuti vakuru vemachechi siyanai netsika dzakadaro, munopedzesa vanhu Covid-19, chirwere ichi chichiriko uye hachina wachinosarudza kubata,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanoti vane nhengo dzavo dzeACCZ idzo dziri kutenderera munyika vachiona mafambisirwo ari kuitwa machechi uye kuti havasi kutytora mirawo ine chekuita nekudzivirira Covid-19 here.

“Izvozvi pamandifonera Chishanu-ka ichi, vanamati vedu vazhinji vechipositori vari kuenda kumasowe uko vanoonekwa vakawanda zvekudarika 150 kana kusvika 200 panzvimnbo imwe chete. Tinoti ngavasiyane netsika iyi nekuti uku kupara mhosva.

“Ivo vakuru vemachechi kana vachida mari kubva kuvanamati vavo ngavatsvage dzimwe nzira dzekuti mari iuye kwavari pane kuunganidza vanhu inova imwe yenzira dzinokonzera kutapurirana chirwere ichi,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanopa zano rekuti mafundisi kana vamwe vakuru vedzisvondo nevekumasowe ngavapihwe mari idzi vachishandisa nhare kana kuvigirwa kudzimba dzavo.

“Mutsvakurudzo yedu, takaona kuti kuunganidza vanamati vakawanda panguva imwe chete inzira dzekutsvaga mari chete kunyangwe pachizova nezvimwe zvikonzero, mweya unotungamira vanhu mune zvakanaka unofanira kutevedza mitemo yenyika. Imwe nzira kana vakuru vemachechi ava vachida mari kupinza vanamati vavo muzvikamu vachiuya vari 50 pachikamu choga-choga,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanoyambirawo vanamati vari kuita izvi kuti imhosva inosungisa nemapurisa voendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwemaitiro iwaya.

“Mutemo wecurfew uchiriko wakadzikwa nenyika asi tinoona vanamati vedu vachinorara kumasowe kusvikira rechimangwana racho voswera ikoko vamwe vachitoitawo mazuva variko. Ngaticherechedzei mitemo yose ine chekuita neCovid-19 tichipfekawo mamask, togeza maoko nesipo nguva nguva uye tichigara takataramukana,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×