Zim yomirira mushonga

Lincoln Towindo

HURUMENDE yave padanho repamusoro panyaya yekufambiswa kwechirongwa chekuti veruzhinji munyika muno vawaniswe mushonga unodzivirira kubatwa nechirwere cheCovid-19 (vaccine).

Pane zviratidzo zvekuti Zimbabwe inogona kutanga kuwana mushonga uyu gore rinotevera.

Vakuru vezveutano nemamwe mapoka vari mushishi kuona kuti chirongwa ichi chofambiswa sei uye pane ongororo mbiri dzakatoitwa dzekuona kuti Zimbabwe yagadzirira zvakadini kuti chirongwa ichi chichitanga.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-rdinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti hurongwa hwekugoverwa kwemushonga uyu hwave padanho repamusoro uye vari kushanda nemapoka anosanganisira sangano reWorld Health Organisation (WHO).

Vanoti Zimbabwe haizi kuzoshandisa mushonga usati wanyatsoongororwa nezvawo.

“Zimbabwe ichashandisa mushonga weCovid-19 unenge wakaongororwa nekupasiswa kuti hauna njodzi kuutano,” vanodaro Dr Mahomva.

Zimbabwe iri muboka reWHO, rinozivikanwa nekunzi Covax, iro rine hurongwa hwekuwana uye nekugovera mushonga wemujekiseni kunyika dziri muAfrica kana uchinge waongororwa nekupasiswa.

Chirongwa ichi, icho chine chinangwa chekuti pave nemajekiseni emhando iyi anosvika 220 miriyoni muAfrica, chichaita kuti mishonga iyi igoverwe nekukasika uye zvakaenzanirana.

Zimbabwe ine vanhu vanosvika 16 miriyoni uye nyika ino inogona kuwana mishonga yemujekiseni iyi 3,2 miriyoni pasi pechikamu chekutanga.

Pane tarisiro yekuti vachatanga kuwana mishonga iyi vanosanganisira vashandi vezveutano vari pamberi mukurwisa Covid-19 nevanhu vakwegura.

Dr Mahomva vanoti kunze kwekuwana mushonga uyu kuburikidza nechirongwa cheCovax, Hurumende ichatenga mimwe yoga.

Vanoti mushonga unenge watenderwa kuti ushande neWHO pasi pechirongwa cheCovax uchaitwa ongororo dzinosanganisira nyaya dzezvemutemo.

“Regai ndikuzivisei zvichaitika mushonga uyu usati watanga kushandiswa muno,” vanodaro Dr Mahomva.

“Pane nyaya yakakosha yeongororo inofanirwa kuitwa ichitungamirirwa neveNational Institute of Health and Research vari pasi pebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Chechipiri, igadziriro yekugoverwa kwemushonga uyu kusanganisira zvinoda kushandiswa kuti usvike kuvanhu mushure mekunge zvaonekwa kuti hauna njodzi kuutano. Panyaya iyi, Zimbabwe yakatoita ongororo nemusi wa31 Gumiguru ichishandisa zvinodiwa pasi peCovax.

“Ongororo yakatevera yakaitwa nemusi wa26 Mbudzi uye muongororo dzose idzi maive neboka reNational Inter-agency Co-ordination Committee on Immunisation nereZimbabwe Immunisation Technical Advisory Group.”

Dr Mahomva vanoti Hurumende ndiyo yakatungamirira ongororo mbiri idzi ichibatsirana neWHO, UNICEF nemamwe mapoka ari kurwisa chirwere cheCovid-19.

Dr Mahomva vanoti zvakabuda muongororo mbiri idzi zvinoratidza kuti Zimbabwe yagadzirira kuti chirongwa chekugoverwa kwemushonga uyu chichitanga.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×