Kondomu revakadzi idzva

ZIMBABWE National Family Planning Council (ZNFPC) yakaparura kondomu revakadzi idzva rinonzi FC2 nedonzvo rekudzvirira kupararira kwezvirwere zvepabonde pamwe nekusimudzira kurongwa kwemhuri. Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau kuNyanga svondo rapera, Dr Edmore Munongo, avo vanova director of technical services kuZNFPC, vakati vanhukadzi vanofanira kushandisa nzira dzekuchengetedza utano hwavo pamwe nekuronga mhuri. “Madzimai ibasa renyu kuona kuti moita sei pakuronga mhuri nekuti mukasadaro munozadza imba nevana vamunozotadza kuchengeta,” vakadaro Dr Munongo.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, national male circumcision co-odinator mubazi rinoona nezveutano nekurerwa kwevana, VaSinokuthemba Xaba, vakakurudzira madzimai kuti amire zvakasimba pakuchengetedza utano hwavo.
VaXaba vakati vechidiki vanofanira kusiyana nepfungwa yekuti utachiona hweHIV huri kupararira nekuda kwekuoma kwenyaya dzeupfumi munyika. “Nyaya yekungoti utachiona hweHIV huri kupararira nekuda kwekuti pasi parohwa nenyundo ndiwo manyepo chaiwo nekuti tikanyatsotarisa nyika dzakadai seBotswana neSwaziland dzakambobhebhesa nekuita vanhu vaiva neutachiona kudarika dzimwe nyika asi zvinhu zvisina kuoma kunyika dzavo,” vakadaro VaXaba.

Kondomu rechidzimai reFC2 rinonzi rinokwanisa kugara makore mashanu risati rashandiswa kufanana nerechirume. Kondomu rechidzimai rekutanga rinonzi rinogara kwemakore matatu chete risati rashandiswa uye rine ruzha kune vanenge vachirishandisa.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×