Varimi vefodya vawedzera kuwanda

Elita Chikwati
VARIMI vanodarika 124 000 vanyoresa kurima fodya kusvika parizvino mumwaka wa2018-19 kana zvichienzaniswa ne84 000 vakanyoresa mwaka wadarika panguva imwe chete.
Pavarimi 124 000 ava, 30 000 vavo vakanyoresa kekutanga kuti vange vachirima fodya.
Varimi vakanyoresa ava vakawedzera nechikamu che47 percent kana zvichienzaniswa nevakanyoresa panguva imwe chete mwaka wadarika.
Vanorima vachishandisa nzira yemadiridziro vakatotanga kare kudyara fodya yavo kumatunhu akasiyana enyika.
Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti mapurovhinzi ose anorimwa fodya – kusara kweMasvingo – akave nekuwedzera kwevarimi vakanyoresa kurima chirimwa ichi.
Magwaro eTIMB anotaridza kuti kusvika musi waGunyana 20, varimi 124 000 vaive vanyoresa kurima fodya mwaka unotevera kana zvichienzaniswa ne84 000 vemwaka wadarika panguva imwe chete.
Mashonaland Central ndiyo ine varimi vakanyoresa vakawanda avo vanove 49 838 kubva pa31 991 gore rapera.
KuMashonaland West, huwandu hwevarimi ava hwakawedzera kubva pa28 991 mwaka wadarika kuenda pa41 496 mwaka uno uye vekuMashonaland East vakawedzerawo kubva pa11 673 kuenda pa17 206.
Varimi 444 vakanyoresa kurima fodya mwaka uno kuMidlands kana zvichienzaniswa ne242 vemwaka wadarika.
Masvingo ine 130 vakanyoresa uye huwandu uhu hwakawedzera kubva pa75 vemwaka wadarika kuchitiwo kuMatabeleland kune murimi mumwe chete akanyoresa kurima chirimwa ichi.
Huwandu hwevarimi vakanyoresa uhu hunonzi huri kukonzerwa nenyaya yekuti murimi mumwe nemumwe anofanira kuve negrowers number yake kuitira kuti akwanise kubatsirika mune zvimwe zvirongwa zvekurima fodya zvinosanganisira kuwana mari inotutsirwa pamusoro peinenge yawanikwa mukutengesa chirimwa ichi.
Nerimweo divi, kushandiswa kwemari yeplatsic kuri kuita kuti varimi vaomerwe kuti vogovana sei mari iyi mushure mekunge vatengesa fodya yavo vakabatana.
Mari iyi parizvino yave kuiswa muakandi yekubhengi kana kubhadharwa kuburikidza neEcoCash.
MuZimbabwe, vanhu vanosvika 3 miriyoni vanorarama kuburikidza neindasitiri yefodya.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×