Dare reCabinet riri kutsigira

Zvamaida Murwira

DARE reCabinet nemusi weChipiri chio rakagamuchira nemawoko maviri zvisungo zvakasiyana zvakananga kugadzirisa nyaya dzeupfumi hwenyika pasi pechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme izvo zvakaziviswa negurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, pakutanga kwesvondo rino.

Vachitaura kuvatori venhau, gurukota rekuburitswa kwemashoko nekushanda kwenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Cabinet yakaita hurukuro pamusoro pechirongwa ichi apo chakaturwa naProf Ncude dare iri risati rachigamuchira.

Chirongwa ichi chichatanga kufambiswa mwedzi uno kusvika munaZvita gore rino uye chichaparurwa zviri pamutemo munguva pfupi iri kutevera.

Cde Mutsvangwa vanoti donzvo guru rechirongwa ichi nderekuti pave nekugadzikana munyaya dzeupfumi munyika idzo dzinosanganisira chikamu chezvemari uye nekuti upfumi husimukire nechimbi-chimbi.

“Kuitwa kwechirongwa chechimbi-chimbi kwakananga kusimudzira upfumi hwenyika kuchaitwa mukati memazuva 100.

“Chirongwa cheTransitional Stabilisation Programme ndicho chikamu chekutanga chekufambiswa kwezvirongwa zveVision 2030 uye zvichapa mukana wekufambiswa kwezvimwe zviviri zvemaFive Year Development Plans kubva muna2021 kusvika 2030,” vanodaro.

Vanoti zvirongwa izvi zvakare zvine chinangwa chekupedza nyaya dzehuwori idzo dziri kudzosera budiriro yenyika shure.

Cde Mutsvagwa vanoti Cabinet yakaita hurukuro zvakare pamusoro peZimbabwe Investment Development Bill, rinova gwaro remutemo unoda kuzokumikidzwa iro rakaturwa negurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, VaNqobizitha Ndhlovu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *