Varimi vokurudzirwa kupfuya mombe dzerudzi rweBoran

Kingstone Mapupu

VARIMI vanochengeta mombe munyika vari kukurudzirwa kupfuya dzemhando yeBoran, idzo dzinonzi dzinoshingirira kurarama munzvimbo dzine ufuro hushoma uyewo dzisingabatwi nezvirwere zvakawanda.

Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi munyaya yekupfuya mombe, VaAlfonsi Chayambuka (66), vekambani yekuHwedza, avo vairatidzira mabhuru emhando yeBoran kushoo yevarimi ichangobva mukupera.

“Tiri kuno kushoo yevarimi yemuHarare, tichitaridza bhuru redu reBravo Boran BTR1960, iro rinorema makg 960, ratinotarisira kuti richawana mukombe rwendo rwuno. Rimwe bhuru hombe kune iri rakambowana mukombe kuno kushoo,” vanodaro VaChayambuka.

Murume uyu, anove maneja  papurazi rezvipfuyo, anoti mombe dzerudzi rweBoran hadzinetsi kuchengeta uye hadzikurumidzi kubatwa nezvirwere zvose zvose.

VaChayambuka vanoti vanoshanda nemuridzi wepurazi, VaRichard Matewa, avo vanoti vanovawanisa zvose zvavanoda munyaya yekupfuya mombe.

“Mhando dzemombe dzeBoran hadzinetsi kuchengeta; dzinongoda kubaiwa majekiseni akakodzera nguva dzose nekudzipa mishonga inokurudzirwa. Muzhizha, mombe idzi dzinodya uswa hwekumafuro. Muchirimo ndimo matinodzitengera kudya kwemakireshi nezvimwe,” vanodaro VaChayambuka.

Bhuru ravakaunza kushoo iri vanoti rakaberekwa mugore ra2019.

“Mombe dzedu tinodzichengeta kuHwedza nekumwe kwakatsaukana, uko tinoita zvemombe chete. Chimwe chinhu chakakosha ndechokuti mombe dzinofanirwa kudhibhiswa nguva dzose,” vanodaro.

Vanoti gore roga roga vanounza mombe dzavo kushoo, dzichiwana mibayiro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *